Dhuteronomi 11:31-32
Dhuteronomi 11:31-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mava kuda kuyambuka Jorodhani kuti mupinde uye mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu. Kana muchinge maitora uye mava kugaramo, chenjerai kuti muteerere mitemo nemirayiro yose yandiri kuisa pamberi penyu nhasi.
Dhuteronomi 11:31-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti munofanira kuyambuka Jorodhani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu; ichava yenyu, mugaremo. Chenjerai kuti muite zvakatemwa nezvakatongwa zvose, zvandinoisa pamberi penyu nhasi.
Dhuteronomi 11:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvino mava kuyambuka Jorodhani, kundotora nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu, kana maitora maiita yenyu magara mairi, chenjererai kuchengeta mirao nezvirevo zvose zvandiri kuisa pamberi penyu nhasi uno.
Dhuteronomi 11:31-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti munofanira kuyambuka Joridani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu; icaʋa yenyu, mugare’mo. Cenjerai kuti muite ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa ɀose, ɀandinoisa pamberi penyu nhasi.
Dhuteronomi 11:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Zvino mava kuyambuka Jorodhani, kundotora nyika yamuri kupiwa naTenzi Mwari wenyu, kana maitora maiita yenyu magara mairi, chenjererai kuchengeta mirao nezvirevo zvose zvandiri kuisa pamberi penyu nhasi uno.