Dhanieri 8:24-25
Dhanieri 8:24-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Achava nesimba kwazvo, asi risiri simba rake chairo. Achakonzera kuparadzwa kunoshamisa uye achabudirira pane zvose zvaanoita. Achaparadza varume vane simba navanhu vatsvene. Achaita kuti kunyengera kubudirire, uye achazviona somunhu wapamusoro. Achaparadza vazhinji pavanofunga kuti vagarika uye achamukirawo Muchinda wamachinda. Asi zvazvo achazoparadzwa, asi kwete nesimba romunhu.
Dhanieri 8:24-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene. Zvino nokungwara kwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
Dhanieri 8:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Achava nesimba guru. Achaita kuti kuve nokuparadza kunotyisa achibudirira mune zvaanoita achiparadza magamba chaiwo pamwechete nevorudzi rwavatsvene. Noujarijari hwake achaita kuti unyengedzi hutekeshere, zvinhu zviri mumaoko make, uye mumwoyo make achizvitutumadza. Achaparadza vazhinji pasina zvokuyambira zviya, achatomukirawo kana nairo Jinda ramachinda, asi kuparara achaparara asi kwete kuparadzwa noruoko rwomunhu.
Dhanieri 8:24-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Simba rake ricaʋa guru, asi haɀiŋgaitwi nesimba rake cairo; ucaparadza ɀinoshamisa, asi ucafara paneɀose ɀaanoita; ucaparadza ʋanesimba naʋanhu ʋatȿene. Ɀino nokuŋgwara kwake ucafambisa nhema noruʋoko rwake; ucaɀikudza mumŋoyo make, nokuparadza ʋazhinji ʋakafara haʋo; ucamukira ʋo mucinda waʋacinda, asi ucaputswa ɀisiŋgaitwi noruʋoko rwomunhu.
Dhanieri 8:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)