Dhanieri 6:24
Dhanieri 6:24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo akarayira kuti varume vakanga vapomera Dhanieri varwiswe, uye kuti vakandwe mugomba reshumba, pamwe chete navakadzi vavo navana vavo. Uye vasati vasvika pasi pegomba, shumba dzakavakurira dzikapwanya mapfupa avo ose.
Dhanieri 6:24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mambo akarayira, vakauya navaya vanhu vakanga vapomera Dhanieri, vakavawisira mugomba reshumba, ivo, navana vavo, navakadzi vavo; shumba dzikavakunda, dzikavhuna‐vhuna mapfupa avo, vachigere kusvika pasi mugomba.
Dhanieri 6:24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo akatema chirevo, varume vaya vaipomera Dhanieri mhosva vakabva vauyiwa navo vakakandwawo mugomba reshumba, ivo navana vavo pamwechete navakadzi vavo. Vasati vatombosvika pasi pegomba iroro shumba dzakavaita dzakurira dzikapwapwanyura mapfupa avo.
Dhanieri 6:24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mambo akaraira, ʋakaʋuya naʋaya ʋanhu ʋakaŋga ʋapomera Danieri, ʋakaʋawisira mugomba reshumba, iʋo, naʋana ʋaʋo, naʋakadzi ʋaʋo; shumba dzikaʋakunda, dzikavuna‐vuna mafupa aʋo, ʋacigere kuȿika pasi mugomba.
Dhanieri 6:24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)