Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 6:13-23 - Compare All Versions

Dhanieri 6:13-23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo vakati kuna mambo, “Dhanieri, mumwe wavakatapwa vakabva Judha, haakuteererei, imi mambo, kana kuchirevo chamakatema norunyoro rwenyu. Achiri kunyengetera katatu pazuva.” Mambo akati anzwa izvi, akatambudzika zvikuru; akanga achida kurwira Dhanieri uye akaedza nzira dzose dzokumuponesa kusvikira kwadoka. Ipapo varume vakaenda vose pamwe chete kuna mambo vakati kwaari, “Rangarirai imi mambo, kuti maererano nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, hakuna chirevo kana mutemo unopiwa namambo unogona kushandurwa.” Saka mambo akarayira, akauyisa Dhanieri ndokumukanda mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Mwari wako, waunoramba uchishumira, ngaakurwire!” Vakauyisa ibwe vakariisa pamusoro pomuromo wegomba, mambo ndokurisimbisa nechisimbiso chake uye nezvisimbiso zvamakurukota ake, kuitira kuti mamiriro aDhanieri arege kushandurwa. Ipapo mambo akadzokera kumuzinda wake akavata usiku hwose asina kudya uye hakuna chinhu chipi chaivaraidza chakauyiswa kwaari. Uye akashayiwa hope. Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba. Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?” Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.” Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 6 BDSC

Dhanieri 6:13-23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, “Uya Dhanieri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva.” Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanieri; akatambudzika kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira. Ipapo varume ava vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kuna mambo, “Zivai imi mambo, kuti ndiwo murayiro wavaMedhia navaPeresia, kuti chirevo chipi nechipi kana murau upi noupi wakatemwa namambo, hazvingashandurwi.” Ipapo mambo akarayira, vakauya naDhanieri vakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Mwari wako waunosishumira nguva dzose, achakurwira.” Ibwe rakauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanieri chingashandurwa. Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achizvinyima zvokudya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza. Zvino mambo akafumomuka kwazvo mangwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Akati achiswedera kugomba kuna Dhanieri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?” Ipapo Dhanieri akati kuna mambo, “Imi mambo, raramai nokusingaperi. Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita.” Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 6 SNA2002

Dhanieri 6:13-23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ivo ndokuti kuna mambo, “Dhanieri uya mumwe wenhapwa dzakatapwa kwaJudha, haambokendenga zvake nezvenyu imi mambo kunyange icho chirevo chamasaina. Asi anotoita munamato wake rutatu pazuva.” Mashoko iwaya paakasvika munzeve dzamambo kudaro zvakamushungurudza mwoyo akafunga zvokununura Dhanieri. Akashanda kwazvo kusvikira zuva radoka achida kumununura. Varume ivava vakarangana kuenda kuna mambo vakati kwaari, “Chizivai mambo kuti, mutemo wavaMidhi navaPezhia wokuti: Hakuna chirevo kana murao unenge wasainwa namambo unozoshandurwa.” Ipapo mambo akati atorwe, Dhanieri akatorwa akakandwa mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Dai iye Mwari wako waunoramba uchinamata angokununura.” Pakaunzwa ibwe rikanzi gwibha pamuromo wegomba iroro. Mambo akazvitsinhira neringi rake rechidhindho nemaringiwo ezvidhindho amadzishe ake zvichiitirwa kunzi parege kumbova zvapo nechinosandurwa nezvaDhanieri. Mambo akaenda kumuzinda kwake akararirotsanya usiku ihwohwo zvokumbomuvaraidza zviya pasina, hope dzikamutiza. Zvino nguva yamambakwedza mambo akamuka akaenda achikurumidza kugomba reshumba. Paakasvika pedyo negomba reshumba maiva naDhanieri, akadaidzira nezwi rairatidza kurwadziwa mwoyo achiti kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri muranda waMwari mupenyu! Ko iye Mwari wako waunodai kunamata nguva dzose akwanisa here kukununura kushumba?” Dhanieri ndokudaira kuna mambo achiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.” Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 6 SCLBD

Dhanieri 6:13-23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ʋakapindura, ʋakati pamberi pamambo: Uya Danieri waʋana ʋaJuda ʋakatapxa, haane‐hanya nemi, imi mambo, kana necireʋo camakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu nezuʋa. Ɀino mambo wakati acinzwa mashoko iwayo, akatsamŋa kwaɀo, akafuŋga mano pamŋoyo pake okurwira Danieri; akatambudzika kuȿikira zuʋa riciʋira aciidza kumurwira. Ipapo ʋarume aʋa ʋakaʋuŋganira kunamambo ʋari ʋazhinji, ʋakati kunamambo: Ziʋai imi mambo, kuti ndiwo murairo waʋaMedia naʋaPersia, kuti cireʋo cipi necipi kana murau upi noupi wakatemŋa namambo, haɀiŋgashandurwi. Ipapo mambo wakaraira, ʋakaʋuya naDanieri ʋakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kunaDanieri: Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, ucakurwira. Ibge rikaʋuyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa necindori cake ʋuye necindori camadzishe ake; kuti kurege kuʋa necinhu cimŋe pamsoro paDanieri ciŋgashandurwa. Ipapo mambo akaenda kuimba yake yoʋushe, akaʋata aciɀinyima ɀokudya; kunyaŋge neɀinoridzwa ɀipi neɀipi haɀina‐kuʋuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza. Ɀino mambo akafumirisa kwaɀo maŋgwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Wakati acisweɗera kugomba kunaDanieri, akaɗana nenzwi rokucema; mambo akataura, akati kunaDanieri: Nhai Danieri, iwe muranda waMŋari mupenyu, Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, unesimba rokukurwira pashumba here? Ipapo Danieri akati kunamambo: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi. Mŋari waŋgu wakatuma mutumŋa wake, akadziʋira miromo yeshumba, dzikasandikuʋadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handinemhoȿa, napamberi penyu ʋo, imi mambo, hakune‐cakaipa candakaita. Ipapo mambo akafara ɀikuru kwaɀo, akaraira kuti ʋaɓuɗise Danieri mugomba. Naiɀoɀo Danieri wakaɓuɗiswa mugomba, ʋakashaiwa cose paakakuʋadzwa, nokuti wakaŋga aʋimba naMŋari wake.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 6 SUB1949

Dhanieri 6:13-23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ivo ndokuti kuna mambo, “Dhanieri uya mumwe wenhapwa dzakatapwa kwaJudha, haambokendenga zvake nezvenyu imi mambo kunyange icho chirevo chamasaina. Asi anotoita munamato wake rutatu pazuva.” Mashoko iwaya paakasvika munzeve dzamambo kudaro zvakamushungurudza mwoyo akafunga zvokununura Dhanieri. Akashanda kwazvo kusvikira zuva radoka achida kumununura. Varume ivava vakarangana kuenda kuna mambo vakati kwaari, “Chizivai mambo kuti, mutemo wavaMidhi navaPezhia wokuti: Hakuna chirevo kana murao unenge wasainwa namambo unozoshandurwa.” Ipapo mambo akati atorwe, Dhanieri akatorwa akakandwa mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Dai iye Mwari wako waunoramba uchinamata angokununura.” Pakaunzwa ibwe rikanzi gwibha pamuromo wegomba iroro. Mambo akazvitsinhira neringi rake rechidhindho nemaringiwo ezvidhindho amadzishe ake zvichiitirwa kunzi parege kumbova zvapo nechinosandurwa nezvaDhanieri. Mambo akaenda kumuzinda kwake akararirotsanya usiku ihwohwo zvokumbomuvaraidza zviya pasina, hope dzikamutiza. Zvino nguva yamambakwedza mambo akamuka akaenda achikurumidza kugomba reshumba. Paakasvika pedyo negomba reshumba maiva naDhanieri, akadaidzira nezwi rairatidza kurwadziwa mwoyo achiti kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri muranda waMwari mupenyu! Ko iye Mwari wako waunodai kunamata nguva dzose akwanisa here kukununura kushumba?” Dhanieri ndokudaira kuna mambo achiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.” Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 6 SCLB