Dhanieri 3:24-25
Dhanieri 3:24-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vanamupamazano vake achiti, “Ko, havasi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.” Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.”
Dhanieri 3:24-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mambo Nebhukadhinezari akavhunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake, “Hatina kuwisira varume vatatu vakasungwa mukati momoto here?” Ivo vakapindura, vakati kuna mambo, “Ndizvozvo, imi mambo.” Iye akapindura, akati, “Tarirai, ndinoona varume vana, vakasununguka, vachifamba mumoto, vasina pavakakuvadzwa; wechina pakuonekwa kwake akaita somwanakomana wamwari.”
Dhanieri 3:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo Nebhukadhineza akashamiswa akabva ati nyamu kusumuka ndokuti kumakurukota ake, “Nhaimi hatina here kukanda muvira umu, varume vatatu vakasungwa mbiradzakondo?” Vanhu vakapindura mambo vachiti, “Ndizvozvo chaizvo mambo!” Iye ndokuti, “Asi ini ndiri kuona varume vana vasina kusungwa vari kutofamba zvavo mumoto imomu vasina kukuvara. Kutarisika kwewechina wacho, kunenge kwemwanakomana wamwari.”
Dhanieri 3:24-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mambo Nebukadnezari wakavunduswa, ndokukasira kusimuka, akataura, akati kumakurukota ake: Hatina‐kuwisira ʋarume ʋatatu ʋakasuŋgwa mukati momŋoto here? Iʋo ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Ndiɀoɀo, imi mambo. Iye akapindura, akati: Tarirai, ndinoʋona ʋarume ʋanna, ʋakasunuŋguka, ʋacifamba mumŋoto, ʋasina‐paʋakakuʋadzwa; wecinna pakuʋonekwa kwake wakaita somŋanakomana waʋamŋari.
Dhanieri 3:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)