Svetukira kuzviri mukati

Dhanieri 3:1 - Enzanisa Shanduro Dzose

Dhanieri 3:1 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chegoridhe, chakanga chakareba makubhiti makumi matanhatu uye makubhiti matanhatu paupamhi, akachimisa pabani reDhura munyika yeBhabhironi.

Dhanieri 3 BDSC

Dhanieri 3:1 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chendarama; chakanga chakaita mamita makumi matanhatu pakureba, namamita matanhatu paupamhi; akachimisa pabani reDhura munyika yaBhabhironi.

Dhanieri 3 SNA2002

Dhanieri 3:1 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino mambo Nebukadnezari wakaita cifananidzo cendarama; cakaŋga cakaita makubiti makumi matanhatu pakureɓa, namakubiti matanhatu paʋupamhi; akacimisa paɓani reDura munyika yaBabironi.

Dhanieri 3 SUB1949

Dhanieri 3:1 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mambo Nebhukadhineza akagadzira chifananidzo chendarama chakanga chichiita mamita makumi maviri namanomwe urefu hwacho kuenda mudenga, chichiitawo mamita anenge matatu upamhi hwacho. Akachimisa mubani reDhura, munyika yeBhabhironi.

Dhanieri 3 SCLB

Dhanieri 3:1 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mambo Nebhukadhineza akagadzira chifananidzo chendarama chakanga chichiita mamita makumi maviri namanomwe urefu hwacho kuenda mudenga, chichiitawo mamita anenge matatu upamhi hwacho. Akachimisa mubani reDhura, munyika yeBhabhironi.

Dhanieri 3 SCLBD