Dhanieri 2:27-28
Dhanieri 2:27-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana nʼanga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi
Dhanieri 2:27-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Dhanieri akapindura mambo, akati, “Chinhu chakavanzika, chakarehwa namambo, hakuna vane njere, kana n’anga, kana vachenjeri, kana vafemberi vangazivisa mambo izvozvo; asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoo dzenyu, hezvi
Dhanieri 2:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhanieri akadaira kuna mambo achiti, “Hakuna vangwaru kana vanhu vamapipi kana vamaminimini kunyange nyanzvi dzokufembera nenyenyedzi, vangagone kuonesa kuna mambo chakavanzika ichi chakakumbirwa namambo. “Asi kudenga uku kuna Mwari! Ndiye anoisa pachena zvakavanzika, akatozozivisawo imi mambo Nebhukadhineza zvichaveko mune ramangwana. Hope dzamakarota ndedzidzi idzi nezviratidzo zvakauya mumusoro menyu murere zvenyu pamubhedha ndezvizvi.
Dhanieri 2:27-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Danieri akapindura pamberi pamambo, akati: Cinhu cakaʋanzika, cakarebga namambo, hakunaʋanenjere, kana ŋaŋga, kana ʋacenjeri, kana ʋafemberi ʋaŋgaziʋisa mambo iɀoɀo; asi kuɗeŋga kunaMŋari unoziʋisa ɀakaʋanzika; ndiye wakaziʋisa mambo Nebukadnezari ɀicazoʋa’po pamazuʋa okupedzisira. Kurota kwenyu, neɀamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoʋo dzenyu, heɀi
Dhanieri 2:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)