Dhanieri 12:7
Dhanieri 12:7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Murume akanga akapfeka nguo yakaisvonaka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi, akasimudza ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga, ndikamunzwa achipika naiye anorarama nokusingaperi, achiti, “Zvichava kwechinguva nedzimwe nguva nehafu yenguva. Kana simba ravanhu vatsvene rikange raputsanywa, zvinhu zvose izvi zvichapedziswa.”
Dhanieri 12:7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzerinei, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.
Dhanieri 12:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu akanga akapfeka rineni aiva kumusoro kwemvura yomurukova uya akasumudzira ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga. Ndakamunzwa achipika naiye Chidzachapo kuti, “Zvichasaruka zvigosarukazve kaviri nokutozosvika pachikamu chapakati napakati chamakei acho uye kuti pachazoperawo zvokuparadza simba rorudzi runoera, zvinhu zvose izvozvi zvichange zvatoitika.”
Dhanieri 12:7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndikanzwa murume wakaŋga akapfeka muceka, wakaŋga ari pamsoro pemvura yorwizi, acisimudzira kuɗeŋga ruʋoko rwake rworudyi noruʋoko rwake rworuɓoshwe, acipika naiye unorarama nokusiŋgaperi, kuti ɀicaita ŋguʋa imŋe, nedzimŋe ŋguʋa, nehafu yeŋguʋa; kana ʋapedza kuputsanya simba raʋanhu ʋatȿene, iɀi ɀose ɀicapedziswa.
Dhanieri 12:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)