Dhanieri 12:1-4
Dhanieri 12:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Panguva iyoyo Mikaeri, muchinda mukuru anodzivirira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yenhamo isina kumbovapo kubva pakuvamba kwendudzi kusvikira zvino. Asi panguva iyoyo vanhu vako, ani naani ane zita rakanyorwa mubhuku, acharwirwa. Vazhinji vanovata muguruva renyika vachamuka: vamwe kuupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi. Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama, vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri. Asi iwe, Dhanieri, vhara uye uname mashoko orugwaro kusvikira pamazuva okupedzisira. Vazhinji vachaenda kwose kwose kuti vawedzere zivo.”
Dhanieri 12:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku. Zvino vazhinji vavavete muvhu rapasi vachamuka, vamwe vachamukira upenyu usingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi. Vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama vachapenya senyeredzi nokusingaperi‐peri. “Asi iwe Dhanieri, vanza mashoko, unamire bhuku rechisimbiso, kusvikira kunguva yokupedzisira; vazhinji vachamhanya pose‐pose, nezivo ichawanda.
Dhanieri 12:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Panguva iyoyo ndipo pachamuka Mikaeri, iye muchinda mukuru anomiririra vanhu vokwako. Pachaita nguva yenhamo isati yambovapo kubvira pakatanga kuva norudzi rwavanhu kusvikira panguva yacho iyoyo. Asi nguva iyoyo munhu wose wokwako anenge aine zita richawanikwa rakanyorwa mubhuku, achanunurwa. Vazhinji vevavete muvhu renyika vachamuka, vamwe vachamukira upenyu husingaperi, asi vamwe vachimukira kunyadziswa nokushorwa kusina mugumo. Vangwaru vachapenya sechiedza cheziendanakuenda romudenga uye vanhu vanotendeutsira vazhinji kuururami vachapenya senyenyedzi narini narini. “Asi iwe Dhanieri viga mashoko aya unamire bhuku racho kusvikira nguva yokuguma, vazhinji vachatsvagurudza uye ruzivo ruchawedzerwa.”
Dhanieri 12:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo Mikaeri ucasimuka, iye mucinda mukuru unorindira ʋana ʋaʋanhu ʋako; ipapo ŋguʋa yenjodzi icaʋa’po, isinakumboʋa’po yakaɗaro kubva pakumuka kwamarudzi aʋanhu kuȿikira ŋguʋa iyo; neŋguʋa iyo ʋanhu ʋako ʋacarwirwa, iʋo ʋose ʋakanyorwa mubuku. Ɀino ʋazhinji ʋaʋaʋete muguruʋa rapasi ʋacamuka, ʋamŋe ʋacamukira ʋupenyu ʋusiŋgaperi, ʋamŋe kukunyadziswa nokuɀidzwa kusiŋgaperi. Ʋakacenjera ʋacapenya sokupenya kwokuɗeŋga, ʋuye ʋanodzorera ʋazhinji kukururama ʋacapenya senyeredzi nokusiŋgaperi‐peri. Asi iwe Danieri, ʋanza mashoko, unamire buku necisimbiso, kuȿikira kuŋguʋa yokupedzisira; ʋazhinji ʋacamhanya pose‐pose, neziʋo icawanda.
Dhanieri 12:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)