Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 11:2-45 - Compare All Versions

Dhanieri 11:2-45 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Zvino ipapo, ndinokuudza chokwadi: Mamwezve madzimambo matatu achamuka muPezhia, uye ipapozve mumwe wechina, achava akapfuma kupfuura vamwe vose. Paachava nesimba nokuda kwepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noumambo hweGirisi. Ipapo mambo ane simba achamuka, uyo achatonga nesimba guru nokuita sezvaanoda. Shure kwokuonekwa kwake, ushe hwake huchatsemuka hugogoverwa kumhepo ina dzedenga. “Mambo weZasi achava neimba, asi mumwe wavakuru vake vehondo achava nesimba kupfuura iye uye achatonga muumambo hwake amene nesimba guru. Shure kwamamwe makore, vachazobatana. Mwanasikana wamambo weZasi achaenda kuna mambo woKumusoro kuti anoita sungano, asi mwanasikana uyu haangarambi ane simba rake, uye iye mambowo nesimba rake zvichaguma. Mumazuva iwayo mwanasikana acharaswa, pamwe chete navanomurinda nababa vake uye naiye anomutsigira. “Mumwe anobva mumhuri yake achamuka kuti atore nzvimbo yake. Acharwisa mauto amambo woKumusoro agopinda munhare yake; iye acharwa navo agovakunda. Achatapawo vamwari vavo, zvifananidzo zvavo zvesimbi nezvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha negoridhe agozvitakura achienda nazvo kuIjipiti. Achazosiya mambo woKumusoro ari oga kwamakore. Ipapo mambo woKumusoro acharwisa umambo hwamambo weZasi asi achizodzokera hake kunyika yake. Vanakomana vake vachagadzirira kurwa uye vachaunganidza hondo huru, ichakukura samafashamu emvura ane simba vagorwa kusvikira kunhare yake. “Ipapo mambo weZasi achafora akatsamwa kwazvo kuti azorwisa mambo woKumusoro, uyo achamutsa hondo huru, asi ichizokundwa. Kana varwi vaendwa navo, weZasi achazara nokuzvikudza uye achauraya zviuru zvizhinji, asi zvazvo haazorambi achikunda. Nokuti mambo woKumusoro achaumba imwe hondo, yakakura kupfuura yokutanga; uye shure kwamakore mazhinji, achaenda kundorwa ane hondo huru huru yakashongedzwa zvakakwana. “Munguva idzodzo vazhinji vachamukira mambo weZasi. Varume vechisimba pakati pavanhu vokwako vachakumukira kuti chiratidzo chizadziswe, asi havangakundi. Ipapo mambo woKumusoro achauya agovaka mirwi yokurwisa uye achapamba guta rakakomberedzwa, Mauto eZasi achashaya simba rokuzvidzivirira; kunyange mapoka emhare dzavo achashaya simba rokumira. Mupambi achaita zvaanoda; hakuna achagona kumisidzana naye. Achazvisimbisa muNyika Yakaisvonaka uye achava nesimba rokuiparadza. Achashingaira kuti auye navane simba voumambo hwake hwose uye achabatana namambo weZasi. Uye achamupa mwanasikana wake kuti amuwane kuitira kuti aparadze umambo, asi urongwa hwake hahuzobudiriri kana kumubatsira. Ipapo acharinzira chiso chake kuzviwi agotora zvizhinji zvacho, asi mukuru wamauto achagumisa kuzvidza kwake uye agodzorera kuzvidzwa kwake kwaari amene. Shure kwaizvozvo, achadzokera akananga kunhare dzenyika yake asi achagumburwa ndokuwa, akasazoonekwazve. “Anomutevera achatumira muteresi kuti achengetedze mbiri youmambo. Zvisinei hazvo, shure kwamakore mashoma, iye achaparadzwa, zvisingaitwi mukutsamwa kana muhondo. “Achatsiviwa nomunhu anozvidzwa asina kumbopiwa rukudzo rwoumambo. Iye achapamba umambo panguva iyo vanhu vanenge vakadekara, uye achahubvuta nenzira yokubata kumeso. Ipapo hondo huru ichakukurwa pamberi pake; zvose iye nomuchinda wesungano zvichaparadzwa. Shure kwokuita chibvumirano naye, achaita zvinhu zvounyengeri, uye navanhu vashoma chete achatora chigaro chokutonga. Matunhu akapfuma paanenge adekara, acharwisa uye achakwanisa kuita zvisina kumboitwa namadzibaba ake kana madzitateguru ake. Achagovera zvaakapamba, zvaakatora nebipitira nepfuma, pakati pavanhu vake. Achaita rangano yokuparadza nhare, asi kwechinguva chete. “Nehondo huru achamutsa simba rake nokushinga kwake kuti arwise mambo weZasi. Mambo weZasi acharwa naye nehondo huru kwazvo uye hondo ine simba kwazvo, asi haazogoni kumira nokuda kwamano aakarongerwa. Vaya vanodya zvokudya zvamambo vachaedza kumuparadza; hondo yake ichakukurwa, uye vazhinji vachafa muhondo. Madzimambo maviri, vane mwoyo yavo yakakombamira pane zvakaipa, vachagara patafura imwe chete vachireverana nhema, asi pasina zvazvinobatsira, nokuti kuguma kuchasvika zvakadaro panguva yakatarwa. Mambo woKumusoro achadzokera kunyika yokwake nepfuma zhinji, asi mwoyo wake uchavenga sungano tsvene. Achairwisa agodzokera kunyika yokwake. “Panguva yakatarwa acharwisa yeZasi zvakare, asi panguva ino zvichaitika zvichasiyana napakutanga. Zvikepe zvokuzviwi zvokumavirira zvichamupikisa, uye iye achaora mwoyo. Ipapo achadzokera kwaabva agondopedzera shungu dzake pamusoro pesungano tsvene. Achadzokera agondofarira vaya vanorasa sungano tsvene. “Mauto ake akapakata zvombo achasimuka kuti asvibise nhare yetemberi uye achadzivisa chibayiro chamazuva ose. Ipapo vachamisa chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa. Nokubata kumeso achatsausa avo vakaputsa sungano asi vanhu vanoziva Mwari wavo vachamudzivisa kwazvo. “Vakachenjera vachadzidzisa vazhinji, kunyange kwechinguva vachazourayiwa nomunondo kana kupiswa kana kutapwa kana kupambwa. Pavachawa vachagamuchira rubatsiro rushoma shoma, uye vazhinji vasiri muchokwadi vachabatana navo. Vamwe vakachenjera vachagumburwa, kuitira kuti vagonatswa, nokucheneswa uye vave vasina gwapa kusvikira panguva yokupedzisira, nokuti zvichazongoitika panguva yakatarwa. “Mambo uyu achaita sezvaanoda. Achazvisimudzira uye achazvikudza pamusoro pavamwari vose uye achataura zvinhu zvisina kumbonzwikwa pamusoro paMwari wavamwari. Achabudirira kusvikira nguva yokutsamwa yapera, nokuti zvakatemwa zvinofanira kuitika. Haazovi nehanya navamwari vamadzibaba ake kana nouyo anodikanwa navakadzi, uye haangavi nehanya namwari upi zvake, asi achazvikudza pamusoro pavo vose. Pachinzvimbo chazvo, achakudza mwari wenhare; achakudza negoridhe nesirivha namatombo anokosha, nezvipo zvomutengo wapamusoro, mwari akanga asingazivikanwi namadzibaba ake. Acharwisa nhare dzakasimbisisa achibatsirwa namwari wavatorwa uye achakudza zvikuru vaya vanomugamuchira. Achavaita vabati pamusoro pavanhu vazhinji uye achagovera nyika nomutengo. “Panguva yokupedzisira mambo weZasi acharwisana naye, uye mambo woKumusoro achamukirana naye nengoro neboka ravarwi nezvikepe zvizhinji. Acharwisa nyika zhinji agopfuura nomadziri samafashamu emvura. Acharwisawo Nyika Yakaisvonaka. Nyika zhinji dzichawa, asi Edhomu, Moabhu, navatungamiri veAmoni vachawira muruoko rwake. Achaita kuti simba rake risvike pamusoro penyika zhinji; Ijipiti haingapunyuki. Achava nesimba pamusoro pepfuma yegoridhe nesirivha uye pfuma yose yeIjipiti, uye vaRibhiya navaNubhia vachazviisa pasi pake. Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundutsa, ipapo achabuda nehasha zhinji kundoparadza nokupedza vazhinji. Achadzika matende ake oushe pakati pamakungwa pagomo dzvene rakaisvonaka. Asi achasvika kumagumo ake, uye hakuna achamubatsira.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 11 BDSC

Dhanieri 11:2-45 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Zvino ndichakuzivisa chokwadi. Tarira, paPeresia pachamukazve madzimambo matatu; wechina achava mupfumi kupfuura ivavo vose; zvino kana asimba kwazvo nepfuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noushe hweGirisi. “Zvino mambo ane simba achamuka, achabata ushe nesimba guru, achiita sezvaanoda. Kana amuka, ushe hwake huchaputswa, ndokuparadzirwa kumhepo ina dzokudenga, asi hahungaendi kuvazukuru vake, uye hahungaenzani nesimba raakabata naro iye; nokuti ushe hwake huchadzurwa, ndokupiwa vamwe kunze kwaivavo. “Mambo wezasi achava nesimba, nomumwe wamachinda ake; zvino iye achamupfuura nesimba, ndokubata ushe; ushe hwake huchava ushe hukuru. Kana mamwe makore apfuura, vachaita sungano; mukunda wamambo wezasi achaenda kuna mambo wokumusoro kuzotsvaka sungano, asi iye mukunda haangarambi ane simba roruoko rwake; kunyange naiye mambo haangamiri, nesimba roruoko rwake; asi mukunda, navakauya naye, naiye akamubereka, naiye akamusimbisa nenguva idzo vachaiswa kukuparadzwa. Asi pabukira remidzi yake mumwe achamuka panzvimbo yake; iye acharwa namambo wokumusoro, acharwa navo nokuvakunda. Achatapawo vamwari vavo, pamwechete nemifananidzo yavo yakaumbwa, nemidziyo yavo yakanaka yesirivha nendarama, achindozviisa Ijipiti; ipapo acharega mambo wokumusoro mamwe makore. Achapindawo muushe hwamambo wezasi, asi achazodzokera kunyika yake. “Vanakomana vake vachandorwa, vachaunganidza boka guru ravarwi, richauya, nokupararira, ndokupfuura neseri; ipapo richadzoka ndokuzorwa kusvikira panhare yake. Zvino mambo wezasi achatsamwa, achandorwa naye, naiye mambo wokumusoro; asi iye achakokera boka guru, boka iro richaiswa mumaoko ake. Boka iro richatapwa, zvino mwoyo wake uchazvikudza; uchaparadza vana makumi ezviuru, asi haangakundi. “Zvino mambo wokumusoro achadzoka, ndokukokera boka guru kune rokutanga; achauya pakupera kwenguva dziya, dziya dzamakore ane hondo huru nenhumbi zhinji. Nenguva idzo vazhinji vachamukira mambo wezasi; uye vana vavanopenga pakati pavanhu vako vachazvikudza, kuti vasimbise zvawakaratidzwa; asi vachaparadzwa. Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handingagoni kumira, kunyange navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro. Asi uyo anouuya kuzorwa naye achaita sezvaanoda, hakuna angamira pamberi pake; zvino iye achamira panyika yakaisvonaka, akabata kuparadza muruoko rwake. “Ipapo achashingaira kuuya nesimba roushe hwake hwose, ane sungano yake; achaita izvozvo, achamupa mwanasikana wavakadzi, kuti amuparadze; asi zvichakona, haana chaachawana. Shure kwaizvozvo acharinzira chiso chake kuzvivi, ndokukunda zvizhinji; asi mumwe mukuru wehondo achagumisa kushoora kwake; achadzosera kushoora kwake kuna iye amene. Ipapo acharinzira chiso chake kunhare dzenyika yake; asi achagumburwa nokuwa, ndokushayikwa. “Zvino panzvimbo yake kuchamuka mumwe achatuma muteresi kupfuura napakaisvonaka paushe hwake, asi kana mazuva mashoma apera uchaparadzwa, zvisingaitwi nokutsamwa kana nokurwa. “Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa kwoushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso. Hondo dzinokukura dzichakukurwa pamberi pake, dzichaparadzwa; zvirokwazvo, naiye muchinda wesunganowo. Kana apedza kuita sungano navo, achavanyengera; nokuti achakwirira, nokuva nesimba navanhu vashoma. Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyange namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi. “Ipapo achamutsira mambo wezasi simba rake nomwoyo wake, ane hondo huru kwazvo ine simba; asi haangamiri, nokuti vachamutandira mano. Vanodya zvokudya zvake, ndivo vachamuparadza; hondo yake ichapararira, vazhinji vachawira pasi vaurawa. Kana ari madzimambo awo maviri, mwoyo yavo ichada kuita zvakashata, vachareva nhema vari patafura rimwe; asi hazvingabatsiri, nokuti kuguma kuchasvika nenguva yakatarwa. Ipapo achadzokera kunyika yake nenhumbi zhinji; mwoyo wake uchavenga sungano, achaita sezvaanoda, ndokudzokera kunyika yake. “Nenguva yakatarwa achadzoka, ndokusvika kunyika yezasi; asi nenguva yokupedzisira hazvingaiti sapakutanga. Nokuti zvikepe zveKitimi zvichauya kuzorwa naye; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka akatsamwa pamusoro pesungano, ndokuita sezvaanoda; achadzoka, ndokuva nehanya navakaramba sungano tsvene. Hondo dzichamutswa naye, dzichamhura nzvimbo tsvene, iye nhare, vachabvisa chipiriso chinopiswa nguva dzose, ndokumutsa chinonyangadza chinoparadza. Vanoitira sungano zvakaipa, achavatsausa nokubata kumeso; asi vanhu vanoziva Mwari wavo, vachava nesimba, vachaita mabasa makuru. Vakachenjera pakati pavanhu vachadzidzisa vazhinji; asi vachaparadzwa nomunondo, uye nomurazvo womoto, uye nokutapwa, uye nokupambwa mazuva mazhinji. Zvino kana voparadzwa vachabatsirwa nokubatsirwa kuduku; asi vazhinji vachazviisa kwavari nokubata kumeso. Vamwe vavo vakachenjera vachaparadzwa, kuti vaedzwe, vacheneswe, kusvikira kunguva yokupedzisira; nokuti nguva yokupedzisira ichigere kusvika. “Mambo uyo achaita sezvaanoda; achazviita mukuru, achazvikudza achiti ndinopfuura vamwari vose, achataura zvinhu zvinoshamisa pamusoro paMwari wavamwari; iye achafara pane zvaanoita kusvikira kutsamwa kwapera, nokuti zvakatemwa zvichaitika. Uye haangavi nehanya navamwari vamadzibaba ake, kana norudo rwavakadzi, haangavi nehanya namwari upi noupi; nokuti achazvikudza achiti ndakapfuura vose. Asi panzvimbo yazvo achakudza mwari wenhare; mwari wakanga asingazikanwi namadzibaba ake, ndiye waachakudza nendarama nesirivha namabwe anokosha nezvinhu zvinodikanwa. Acharwa nenhare dzakaisvobata achibatsirwa namwari wavatorwa; ani naani anodikanwa naye, iye achakudzwa naye zvikuru; achavabatisa ushe pamusoro pavanhu vazhinji, achivagovera nyika uve mubayiro wavo. “Zvino nenguva yokupedzisira mambo wezasi achapesana naye; mambo wokumusoro achauya kuzorwa naye sechamupupuri, ane ngoro navatasvi vamabhiza nezvikepe zvizhinji; achapinda munyika idzo, ndokupararira, ndokupfuura neseri. Achapindawo munyika yakaisvonaka, nyika zhinji dzichakundwa, asi idzi dzicharwirwa paruoko rwake, dzinoti Edhomu, neMoabhu norutivi rwakanaka rwavana vaAmoni. Achatambanudzirawo ruoko rwake kune dzimwe nyika; nyika yeIjipiti haingapukunyuki. Asi achava anesimba pamusoro pepfuma yendarama nesirivha, napamusoro pezvinhu zvose zvinokosha zveIjipiti; vaRibhia navaItiopia vachatevera makwara ake. Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundusa; ipapo achabuda nehasha kwazvo kundoparadza nokupedza chose vazhinji. Achadzika matende ake oushe pakati pegungwa negomo dzvene rakaisvonaka; kunyange zvakadaro achasvika pakuguma kwake, achashayiwa anomubatsira.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 11 SNA2002

Dhanieri 11:2-45 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Iye zvino ndava kukuratidza chokwadi.” “Chinzwa, kuchamuka madzimambo matatu munyika yePezhia. Wechina wacho achava mupfumi kupinda vamwe vose zvavo. Kana ave nesimba, pamusana poupfumi hwake acharunzira vamwe vose kuti varwise umambo hwenyika yeGirisi. Ndipo pachamuka mumwe mambo ane simba achatonga nesimba guru achiita zvake zvaanoda. Paachange amuka kudaro, umambo hwake huchaparadzwa hugokamuraniswa huchienda kumativi mana emhepo dzedenga. Izvozvo hunenge husingakamuraniswe pakati pevemba yake kana maererano nesimba rokutonga raaitonga naro nokuti umambo hwake huchatipurwa hugoiswa kune vamwewo vasiri ivava. “Mambo wokumaodzanyemba achange akasimba, asi mumwe wamachinda ake achange achimudarika pasimba uye umambo hwake hwaanenge achitonga huchange huri umambo hwakakura. Mushure memakore akati kuti vachaita chibvumirano. Mukunda wamambo wokumaodzanyemba achaenda kuna mambo wokuchamhembe kuti pave nokuwirirana. Asi mukunda iyeyo haazokwanisa kuramba aine simba mumaoko make. Murume wacho nomwana wake havambopagara, asi mukunda iyeyo achapfuudzwa pamwechete navanomushandira nomwana wake naiye akamuroora wacho. “Panguva iyoyo imwe nhungirwa yokudzinde kwakabva mukunda iyeyo yechirume ichamuka panzvimbo pake. Murume iyeyo achauya kuzorwisa hondo yacho yevarwi agopinda muguta retsvingo ramambo wokuchamhembe achivarwisa agovakurira. Achatakurawo achiendesa kuIjipiti vamwari vavo nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa noutare hwakanyunguruswa pamwechete nemidziyo yavo inokosha yesirivha neyendarama. Achazoitawo makore akati kuti asingarwise mambo wokuchamhembe. Iye mambo wokuchamhembe anenge aenda kunyika yamambo wokumaodzanyemba achadzokera hake kunyika kwake. “Vanakomana vake vachaita hondo vagounganidza gurusvusvu guru rehondo dzavarwi dzichauya dziri bvakapfaka dzichipfuura, dzamukirira nayo hondo kudzamara dzasvika kunhare yake yokuzvidzivirira nayo muhondo. Ipapo aviruka nehasha, mambo wokumaodzanyemba achabuda kuzorwisa mambo wokuchamhembe. Achaunganidza gurusvusvu guru ravanhu asi richakurirwa namambo wokumaodzanyemba. Paachange akurira gurusvusvu iroro, achazvitutumadza agorakatisa kuuraya makumi namakumi ezviuru. Asi haazoramba achikurira nokuti mambo wokuchamhembe achaunganidzazve gurumwandira rakakura kupfuura rekare riya. Mushure memakore akati kuti achauya aine hondo huru yevarwi aine zvinhu zvokurwisa nazvo zvakawanda. Munguva idzodzo, vazhinji vachamukira mambo wokumaodzanyemba, uye vanhu voutsinye pakati pavanhu vokwako vachamukawo kuti vazadzise chiratidzo ichochi asi vachakundika. Zvino mambo wokuchamhembe achauya ovaka chinenge musana wenzou chokukombesa nacho guta agorikurira, guta rakanyatsovakirirwa netsvingo. Varwi vehondo yokumaodzanyemba havambopamira kunyange zvikwata zvenyanzvi dzake dzavarwi nokuti simba rokumira panenge pasisina. Asi anenge angouya kuzomurwisa wacho achaita zvake zvaanoda hapana anombomirisana naye. Achamira munyika yembiri, yose zvayo ichava mumaoko make. “Achafunga zvokuuya nesimba rake rose roumambo achiuya nezvingaunze rugare agosvikozviita. Achamupa mhandara yomukadzi yokuti aparadze nayo nyika iyoyo asi hazvizoitika kana kumubatsira. Pedzepo achazopishinuka onanga kunyika dzokumahombekombe egungwa, achikukucha zvake kutora vazhinji. Asi mumwe mutungamiriri wehondo achapedza kuzvitutumadza kwake ikoko achinyatsoita kuti kuzvitutumadza kwake ikoko kumupindukire. Achazodzokako onanga kuguta retsvingo renyika yake, asi achadzadzarika agowira pasi zvokusazowanikwa. “Panzvimbo pake pachamuka mumwe achatuma wokuteresa mutero achiitira mbiri youmambo. Asi mushure memazuva mashomanana achaparara pasina zvehasha kana hondo.” “Panzvimbo pake pachamuka munhu anoshoreka asina kumbopiwa ukuru hwoumambo. Achangoyerekana apindamo agowana umambo nounyengedzi. Hondo nehondo dzichatsvairwa naye dzichiparara pamwechetewo nomuchinda uya wechitenderano. Kubvira panguva yavachaitirana chibvumirano naye iye achaita zvounyengedzi uye achava nesimba rakawanda kunyange aina vanhu vashoma. Achangozoyerekana asvika munzvimbo dzakapfumisisa kwazvo dzenyika iyoyo agoitamo zvisina ani ati amboita kana madzibaba ake kunyange madzitateguru ake zvawo achimwayanisa mukati mavo zvinhu zvokupamba nezvokutora muhondo nezvimwewo zvinhu. Nhare dzokuhwanda muhondo, achadzirongera mano asi zvichingova zvekachinguva. Achakoka simba agoita chivindi chokundorwisa mambo wokumaodzanyemba nehondo huru yavarwi. Mambowo wokumaodzanyemba acharwisawo aine hondo huru huru kwazvo ine simba asi haambopamira nokuti acharukirwa mazano. Kunyangewo vaanodya navo udobo hwake hwezvokudya zvakanaka ndivo vacho vachave mharadzi dzake. Hondo yake yavarwi ichatsvairwa, vazhinji vavo vagorakatiswa kufa. Madzimambo iwayo ari maviri achange ari pakunyengedza bedzi. Vachataurirana nhema ivo vachidya patebhuru imwechete asi zvisina chimuko nokuti kuguma kwacho kuchauya zvako nenguvawo yako yakatemwa. Ipapo iye achadzokera kunyika yake akagukuchira chaizvo zvinhu, asi mwoyo wake unenge uri pakurwisa chitenderano chinoera ichi. Ipapo achaita zvaanoda obva azodzokera kunyika yake. “Nenguva yakatemwa, achadzoka agosvikopinda kumaodzanyemba, asi rwendo runo hazvizoita sezvazvakamboita kare kaya. Sokuti ngarava dzokuKitimu dzichauya kuzomurwisa, zvino iye achatya agopishinuka odzokera kwaabva agosvikopedzera ushungushungu pakurwisa chitenderano chinoera. Achadzoka achiwirirana navanhu vakafuratira chitenderano chinoera. Hondo dzichabva kwaari dzichisvikon'oresa Temberi nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo dzicharegesawo mupiro wokupisa unogaroitwa. Uye vachamisa chimwe chisingambodiwa zvacho naMwari chinon'oresa. Achafurira achibata vanhu kumeso vanotyora chitenderano ichocho. Asi vanhu chaivo, vanoziva Mwari wavo vachamira vakasimba vachiwana zvokuita. Vangwaru mukati mavanhu'mu vachaita kuti vamwe vanzwisise kunyange zvazvo vachizoitwa murakatira kufa namapakatwa nomoto uye noutapwa nokupambwa kwamazuva akati kuti. Vachifa zvavo kudaro, vachawanawo chimwe chiduku chinovayamura, vazhinji vachabatana navo kuri kubatwa zvavo kumeso. Asi vamwe vavo vangwaru, vachafa kuri kuitira kuti vapepetwe vachinatswa pakati pavo vachene kudzamara nguva yokuguma nokuti nguva yakatemwa ichigere kusvika. “Mambo iyeyo achaita sokuda kwake zvake; achazvitutumadza achizvikudza pamusoro pavamwari vose achitaura zvinhu zvokushamisira achishora Mwari wavamwari. Achabudirira kusvikira Mwari aratidza hasha dzake nokuti zvakarongwa izvozvo zvichatoitika. Achava munhu asina hanya navamwari vemadzitateguru ake kana iye mwari wavakadzi, wapamwoyo pavo. Anenge asingamboona zvake kuti chinonzi mumwe mwari chii sezvo anenge achizvikudza pamusoro pavo vose zvavo. Iye acharemekedza mwari wamaguta nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo panzvimbo paivava, mwari akanga asingazikanwi namadzitateguru ake iyewo ndiye waachatoremekedza nendarama nesirivha namatombo anokosha nezvipo zvinodaidza mari yakawanda. Achawana zvaanoita nenhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo chaiyo akasungwa noutare kusimba achibatsirwa namwari wechirudzi. Vanenge vamugamuchira achavakudza nokuvapa mbiri achivaita vatongi vavanhu vakawanda achikamura-kamura zvake nyika achiitengesa. “Pakupera kwenguva iyoyo, mambo wokumaodzanyemba achamurwisa. Asi mambo wokuchamhembe achamuvhunga sechinyamupupuri aine ngoro dzehondo navarwi vamabhiza nengarava zhinji. Izvozvo achapinda mudzinyika vagoita bvakanyira imomo nokudimura zvavo nomo. Achapinda munyika yembiri makumi namakumi ezviuru agoita murakatira kufa. Asi vachapunyutswa mumaoko make ndevava vanoti nyika yeEdhomu neMoabhu nechikamu chikuru chaicho chavaAmoni. Nesimba roruoko rwake acharwisa chaizvo dzinyika, kana nyika yeIjipitiwo haipunyuki ipapo. Upfumi hwendarama nesirivha huchava mumaoko make nezvinhu zvose zvakakosha zveIjipiti; vokuRibhiya nevaItiopia vava kutotevera gwara rake iye. Asi nhau dzichabva kumabvazuva nokuchamhembe dzichamushayisa mazano. Ipapo achaendako achiviruka kwazvo nehasha kundotsakatisa achiparadza zvokuparadza zviya vazhinji. Ipapo achazvidzikira muzinda womusasa wematendhe pakati pegungwa negomo rembiri rinoera. Asi ikoko ndokuchava kuguma kwake pasina anomubatsira.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 11 SCLBD

Dhanieri 11:2-45 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ndicakuziʋisa ɀokwaɗi. Tarira, paPersia pacamuka ɀe madzimambo matatu; wecinna ucaʋa mufumi kupfuʋura iʋaʋo ʋose; ɀino kana asimba kwaɀo nefuma yake, ucamutsa ʋamŋe ʋose kuzorwa noʋushe bgeGirisi. Ɀino mambo unesimba ucamuka, ucaɓata ʋushe nesimba guru, aciita seɀaanoɗa. Kana amuka, ʋushe bgake ʋucaputswa, ndokuparadzirwa kumhepo inna dzokuɗeŋga, asi haʋuŋgaendi kuʋazukuru ʋake, ʋuye haʋuŋgaenzani nesimba raakaɓata naro iye; nokuti ʋushe bgake ʋucadzurwa, ndokupiwa ʋamŋe kunze kwaiʋaʋo. Mambo wezasi ucaʋa nesimba, nomumŋe wamacinda ake; ɀino iye ucamupfuʋura nesimba, ndokuɓata ʋushe; ʋushe bgake ʋucaʋa ʋushe ʋukuru. Kana mamŋe makore apfuʋura, ʋacaita suŋgano; mukunda wamambo wezasi ucaenda kunamambo wokumsoro kuzotȿaka suŋgano, asi iye mukunda haaŋgarambi anesimba roruʋoko rwake; kunyaŋge naiye mambo haaŋgamiri, nesimba roruʋoko rwake; asi mukunda, naʋakaʋuya naye, naiye wakamuɓereka, naiye wakamusimbisa neŋguʋa idzo ʋacaiswa kukuparadzwa. Asi paɓukira remidzi yake mumŋe ucamuka panɀimbo yake; iye ucarwa nehondo, ndokupinda munhare yamambo wokumsoro, ucarwa naʋo nokuʋakunda. Ucatapa ʋo ʋamŋari ʋaʋo, pamŋe cete nemifananidzo yaʋo yakaʋumbga, nemidziyo yaʋo yakanaka yesirveri nendarama, acindoɀiisa Egipita; ipapo ucarega mambo wokumsoro mamŋe makore. Ucapinda ʋo muʋushe bgamambo wezasi, asi ucazodzokera kunyika yake. Ʋanakomana ʋake ʋacandorwa, ʋacaʋuŋganidza ɓoka guru raʋarwi, ricaʋuya, nokupararira, ndokupfuʋura neseri; ipapo ricadzoka ndokuzorwa kuȿikira panhare yake. Ɀino mambo wezasi ucatsamŋa, ucandorwa naye, naiye mambo wokumsoro; asi iye ucakokera ɓoka guru, ɓoka iro ricaiswa mumaʋoko ake. Ƃoka iro ricatapxa, ɀino mŋoyo wake ucaɀikudza; ucaparadza ʋanamakumi eɀuru, asi haaŋgakundi. Ɀino mambo wokumsoro ucadzoka, ndokukokera ɓoka guru kunerokutaŋga; ucaʋuya pakupera kweŋguʋa dziya, dziya dzamakore, anehondo huru nenhumbi zhinji. Neŋguʋa idzo ʋazhinji ʋacamukira mambo wezasi; ʋuye ʋana ʋaʋanopeŋga pakati paʋanhu ʋako ʋacaɀikudza, kuti ʋasimbise ɀawakaratidzwa; asi ʋacaparadzwa. Ɀino mambo wokumsoro ucaȿika, ndokuʋatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakaʋakirwa kwaɀo; hondo dzezasi hadziŋgagoni kumira, kunyaŋge naʋanhu ʋake ʋakatsaurwa, ʋuye ʋacashaiwa simba rokumira naro. Asi uyo unoʋuya kuzorwa naye ucaita seɀaanoɗa, hakuna‐uŋgamira pamberi pake; ɀino iye ucamira panyika yakaiȿo‐naka, akaɓata kuparadza muruʋoko rwake. Ipapo ucashiŋgaira kuʋuya nesimba roʋushe bgake bgose, anesuŋgano yake; ucaita iɀoɀo, ucamupa mŋanasikana waʋakadzi, kuti amuparadze; asi ɀicakona, haana‐caacawana. Shure kwaiɀoɀo ucarinzira ciso cake kuɀiwi, ndokukunda ɀizhinji; asi mumŋe mukuru wehondo ucagumisa kushoʋora kwake; ucadzosera kushoʋora kwake kunaiye amene. Ipapo ucarinzira ciso cake kunhare dzenyika yake; asi ucagumburwa nokuwa, ndokushaikwa. Ɀino panɀimbo yake kucamuka mumŋe ucatuma muteresi kupfuʋura napakaiȿo‐naka paʋushe bgake, asi kana mazuʋa mashoma apera ucaparadzwa, ɀisiŋgaitwi nokutsamŋa kana nokurwa. Panɀimbo yake kucamuka munhu unofanira kuɀidzwa, wakaŋga asinokupiwa kukudzwa kwoʋushe; asi iye ucaȿika neŋguʋa yokufara kwaʋanhu, ndokutora ʋushe nokuɓata kumeso. Hondo dzinokukura dzicakukurwa pamberi pake, dzicaparadzwa; ɀirokwaɀo, naiye mucinda wesuŋgano ʋo. Kana apedza kuita suŋgano naʋo, ucaʋanyeŋgera; nokuti ucakwirira, nokuʋanesimba naʋanhu ʋashoma. Neŋguʋa yokufara kwaʋanhu ucapinda pamatiʋi akaʋorera enyika; ucaita ɀisino‐kumboitwa namadziɓaɓa ake, kunyaŋge namadziɓaɓa amadziɓaɓa ake; ucaparadzira pakati paʋo ɀaakatapa neɀaakapamba nenhumbi; ucatanda mano ake pamsoro penhare, asi neŋguʋa ɓedzi. Ipapo ucamutsira mambo wezasi simba rake nomŋoyo wake, anehondo huru; mambo wezasi ucarwa anehondo huru kwaɀo inesimba; asi haaŋgamiri, nokuti ʋacamutandira mano. Ʋanodya ɀokudya ɀake, ndiʋo ʋacamuparadza; hondo yake icapararira, ʋazhinji ʋacawira pasi ʋaʋurawa. Kana ari madzimambo awo maʋiri, mŋoyo yaʋo icaɗa kuita ɀakashata, ʋacareʋa nhema ʋari patafura rimŋe; asi haɀiŋgaɓatsiri, nokuti kuguma kucaȿika neŋguʋa yakatarwa. Ipapo ucadzokera kunyika yake nenhumbi zhinji; mŋoyo wake ucaʋeŋga suŋgano, ucaita seɀaanoɗa, ndokudzokera kunyika yake. Neŋguʋa yakatarwa ucadzoka, ndokuȿika kunyika yezasi; asi neŋguʋa yokupedzisira haɀiŋgaiti sapakutaŋga. Nokuti ɀikepe ɀeKitimi ɀicaʋuya kuzorwa naye; naiɀoɀo ucaʋora mŋoyo, ndokudzoka akatsamŋa pamsoro pesuŋgano, ndokuita seɀaanoɗa; ucadzoka, ndokuʋa nehanya naʋakaramba suŋgano tȿene. Hondo dzicamutswa naye, dzicamhura nɀimbo tȿene, iyo nhare, ʋacabvisa cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, ndokumutsa cinonyaŋgadza cinoparadza. Ʋanoitira suŋgano ɀakaipa, ucaʋatsausa nokuɓata kumeso; asi ʋanhu ʋanoziʋa Mŋari waʋo, ʋacaʋa nesimba, ʋacaita maɓasa makuru. Ʋakacenjera pakati paʋanhu ʋacadzidzisa ʋazhinji; asi ʋacaparadzwa nomunondo, ʋuye nomuraɀo womŋoto, ʋuye nokutapxa, ʋuye nokupambga mazuʋa mazhinji. Ɀino kana ʋoparadzwa ʋacaɓatsirwa nokuɓatsirwa kuɗuku; asi ʋazhinji ʋacaɀiisa kwaʋari nokuɓata kumeso. Ʋamŋe ʋaʋo ʋakacenjera ʋacaparadzwa, kuti ʋaidzwe, ʋanatswe, ʋaceneswe, kuȿikira kuŋguʋa yokupedzisira; nokuti ŋguʋa yokupedzisira icigere kuȿika. Mambo uyo ucaita seɀaanoɗa; ucaɀiita mukuru, ucaɀikudza aciti ndinopfuʋura ʋamŋari ʋose, ucataura ɀinhu ɀinoshamisa pamsoro paMŋari waʋamŋari; iye ucafara paneɀaanoita kuȿikira kutsamŋa kwapera, nokuti ɀakatemŋa ɀicaitika. Ʋuye haaŋgaʋi nehanya naʋamŋari ʋamadziɓaɓa ake, kana noruɗo rwaʋakadzi, haaŋgaʋi nehanya namŋari upi noupi; nokuti ucaɀikudza aciti ndakapfuʋura ʋose. Asi panɀimbo yaɀo ucakudza mŋari wenhare; mŋari wakaŋga asiŋgazikanwi namadziɓaɓa ake, ndiye waacakudza nendarama nesirveri namabge anokosha neɀinhu ɀinoɗikanwa. Ucarwa nenhare dzakaiȿo‐ɓata aciɓatsirwa namŋari waʋatorwa; aninani unoɗikanwa naye, iye ucakudzwa naye ɀikuru; ucaʋaɓatisa ʋushe pamsoro paʋanhu ʋazhinji, aciʋagoʋera nyika uʋe muɓairo waʋo. Ɀino neŋguʋa yokupedzisira mambo wezasi ucapesana naye; mambo wokumsoro ucaʋuya kuzorwa naye secampupuri, aneŋgoro naʋataȿi ʋamabiza neɀikepe ɀizhinji; ucapinda munyika idzo, ndokupararira, ndokupfuʋura neseri. Ucapinda ʋo munyika yakaiȿo‐naka, nyika zhinji dzicakundwa, asi idzi dzicarwirwa paruʋoko rwake, dzinoti Edomi, neMoabi norutiʋi rwakanaka rwaʋana ʋaAmoni. Ucatambanudzira ʋo ruʋoko rwake kunedzimŋe nyika; nyika yeEgipita haiŋgapukunyuki. Asi ucaʋa unesimba pamsoro pefuma yendarama nesirveri, napamsoro peɀinhu ɀose ɀinokosha ɀeEgipita; ʋaRibia naʋaEtiopia ʋacateʋera makwara ake. Asi mashoko anobva kumabvazuʋa nokumsoro acamuvundusa; ipapo ucaɓuɗa nehasha kwaɀo kundoparadza nokupedza cose ʋazhinji. Ucadzika matente ake oʋushe pakati peguŋgwa negomo dɀene rakaiȿo‐naka; kunyaŋge ɀakaɗaro ucaȿika pakuguma kwake, ucashaiwa unomuɓatsira.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 11 SUB1949

Dhanieri 11:2-45 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Iye zvino ndava kukuratidza chokwadi.” “Chinzwa, kuchamuka madzimambo matatu munyika yePezhia. Wechina wacho achava mupfumi kupinda vamwe vose zvavo. Kana ave nesimba, pamusana poupfumi hwake acharunzira vamwe vose kuti varwise umambo hwenyika yeGirisi. Ndipo pachamuka mumwe mambo ane simba achatonga nesimba guru achiita zvake zvaanoda. Paachange amuka kudaro, umambo hwake huchaparadzwa hugokamuraniswa huchienda kumativi mana emhepo dzedenga. Izvozvo hunenge husingakamuraniswe pakati pevemba yake kana maererano nesimba rokutonga raaitonga naro nokuti umambo hwake huchatipurwa hugoiswa kune vamwewo vasiri ivava. “Mambo wokumaodzanyemba achange akasimba, asi mumwe wamachinda ake achange achimudarika pasimba uye umambo hwake hwaanenge achitonga huchange huri umambo hwakakura. Mushure memakore akati kuti vachaita chibvumirano. Mukunda wamambo wokumaodzanyemba achaenda kuna mambo wokuchamhembe kuti pave nokuwirirana. Asi mukunda iyeyo haazokwanisa kuramba aine simba mumaoko make. Murume wacho nomwana wake havambopagara, asi mukunda iyeyo achapfuudzwa pamwechete navanomushandira nomwana wake naiye akamuroora wacho. “Panguva iyoyo imwe nhungirwa yokudzinde kwakabva mukunda iyeyo yechirume ichamuka panzvimbo pake. Murume iyeyo achauya kuzorwisa hondo yacho yevarwi agopinda muguta retsvingo ramambo wokuchamhembe achivarwisa agovakurira. Achatakurawo achiendesa kuIjipiti vamwari vavo nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa noutare hwakanyunguruswa pamwechete nemidziyo yavo inokosha yesirivha neyendarama. Achazoitawo makore akati kuti asingarwise mambo wokuchamhembe. Iye mambo wokuchamhembe anenge aenda kunyika yamambo wokumaodzanyemba achadzokera hake kunyika kwake. “Vanakomana vake vachaita hondo vagounganidza gurusvusvu guru rehondo dzavarwi dzichauya dziri bvakapfaka dzichipfuura, dzamukirira nayo hondo kudzamara dzasvika kunhare yake yokuzvidzivirira nayo muhondo. Ipapo aviruka nehasha, mambo wokumaodzanyemba achabuda kuzorwisa mambo wokuchamhembe. Achaunganidza gurusvusvu guru ravanhu asi richakurirwa namambo wokumaodzanyemba. Paachange akurira gurusvusvu iroro, achazvitutumadza agorakatisa kuuraya makumi namakumi ezviuru. Asi haazoramba achikurira nokuti mambo wokuchamhembe achaunganidzazve gurumwandira rakakura kupfuura rekare riya. Mushure memakore akati kuti achauya aine hondo huru yevarwi aine zvinhu zvokurwisa nazvo zvakawanda. Munguva idzodzo, vazhinji vachamukira mambo wokumaodzanyemba, uye vanhu voutsinye pakati pavanhu vokwako vachamukawo kuti vazadzise chiratidzo ichochi asi vachakundika. Zvino mambo wokuchamhembe achauya ovaka chinenge musana wenzou chokukombesa nacho guta agorikurira, guta rakanyatsovakirirwa netsvingo. Varwi vehondo yokumaodzanyemba havambopamira kunyange zvikwata zvenyanzvi dzake dzavarwi nokuti simba rokumira panenge pasisina. Asi anenge angouya kuzomurwisa wacho achaita zvake zvaanoda hapana anombomirisana naye. Achamira munyika yembiri, yose zvayo ichava mumaoko make. “Achafunga zvokuuya nesimba rake rose roumambo achiuya nezvingaunze rugare agosvikozviita. Achamupa mhandara yomukadzi yokuti aparadze nayo nyika iyoyo asi hazvizoitika kana kumubatsira. Pedzepo achazopishinuka onanga kunyika dzokumahombekombe egungwa, achikukucha zvake kutora vazhinji. Asi mumwe mutungamiriri wehondo achapedza kuzvitutumadza kwake ikoko achinyatsoita kuti kuzvitutumadza kwake ikoko kumupindukire. Achazodzokako onanga kuguta retsvingo renyika yake, asi achadzadzarika agowira pasi zvokusazowanikwa. “Panzvimbo pake pachamuka mumwe achatuma wokuteresa mutero achiitira mbiri youmambo. Asi mushure memazuva mashomanana achaparara pasina zvehasha kana hondo.” “Panzvimbo pake pachamuka munhu anoshoreka asina kumbopiwa ukuru hwoumambo. Achangoyerekana apindamo agowana umambo nounyengedzi. Hondo nehondo dzichatsvairwa naye dzichiparara pamwechetewo nomuchinda uya wechitenderano. Kubvira panguva yavachaitirana chibvumirano naye iye achaita zvounyengedzi uye achava nesimba rakawanda kunyange aina vanhu vashoma. Achangozoyerekana asvika munzvimbo dzakapfumisisa kwazvo dzenyika iyoyo agoitamo zvisina ani ati amboita kana madzibaba ake kunyange madzitateguru ake zvawo achimwayanisa mukati mavo zvinhu zvokupamba nezvokutora muhondo nezvimwewo zvinhu. Nhare dzokuhwanda muhondo, achadzirongera mano asi zvichingova zvekachinguva. Achakoka simba agoita chivindi chokundorwisa mambo wokumaodzanyemba nehondo huru yavarwi. Mambowo wokumaodzanyemba acharwisawo aine hondo huru huru kwazvo ine simba asi haambopamira nokuti acharukirwa mazano. Kunyangewo vaanodya navo udobo hwake hwezvokudya zvakanaka ndivo vacho vachave mharadzi dzake. Hondo yake yavarwi ichatsvairwa, vazhinji vavo vagorakatiswa kufa. Madzimambo iwayo ari maviri achange ari pakunyengedza bedzi. Vachataurirana nhema ivo vachidya patebhuru imwechete asi zvisina chimuko nokuti kuguma kwacho kuchauya zvako nenguvawo yako yakatemwa. Ipapo iye achadzokera kunyika yake akagukuchira chaizvo zvinhu, asi mwoyo wake unenge uri pakurwisa chitenderano chinoera ichi. Ipapo achaita zvaanoda obva azodzokera kunyika yake. “Nenguva yakatemwa, achadzoka agosvikopinda kumaodzanyemba, asi rwendo runo hazvizoita sezvazvakamboita kare kaya. Sokuti ngarava dzokuKitimu dzichauya kuzomurwisa, zvino iye achatya agopishinuka odzokera kwaabva agosvikopedzera ushungushungu pakurwisa chitenderano chinoera. Achadzoka achiwirirana navanhu vakafuratira chitenderano chinoera. Hondo dzichabva kwaari dzichisvikon'oresa Temberi nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo dzicharegesawo mupiro wokupisa unogaroitwa. Uye vachamisa chimwe chisingambodiwa zvacho naMwari chinon'oresa. Achafurira achibata vanhu kumeso vanotyora chitenderano ichocho. Asi vanhu chaivo, vanoziva Mwari wavo vachamira vakasimba vachiwana zvokuita. Vangwaru mukati mavanhu'mu vachaita kuti vamwe vanzwisise kunyange zvazvo vachizoitwa murakatira kufa namapakatwa nomoto uye noutapwa nokupambwa kwamazuva akati kuti. Vachifa zvavo kudaro, vachawanawo chimwe chiduku chinovayamura, vazhinji vachabatana navo kuri kubatwa zvavo kumeso. Asi vamwe vavo vangwaru, vachafa kuri kuitira kuti vapepetwe vachinatswa pakati pavo vachene kudzamara nguva yokuguma nokuti nguva yakatemwa ichigere kusvika. “Mambo iyeyo achaita sokuda kwake zvake; achazvitutumadza achizvikudza pamusoro pavamwari vose achitaura zvinhu zvokushamisira achishora Mwari wavamwari. Achabudirira kusvikira Mwari aratidza hasha dzake nokuti zvakarongwa izvozvo zvichatoitika. Achava munhu asina hanya navamwari vemadzitateguru ake kana iye mwari wavakadzi, wapamwoyo pavo. Anenge asingamboona zvake kuti chinonzi mumwe mwari chii sezvo anenge achizvikudza pamusoro pavo vose zvavo. Iye acharemekedza mwari wamaguta nenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo panzvimbo paivava, mwari akanga asingazikanwi namadzitateguru ake iyewo ndiye waachatoremekedza nendarama nesirivha namatombo anokosha nezvipo zvinodaidza mari yakawanda. Achawana zvaanoita nenhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo chaiyo akasungwa noutare kusimba achibatsirwa namwari wechirudzi. Vanenge vamugamuchira achavakudza nokuvapa mbiri achivaita vatongi vavanhu vakawanda achikamura-kamura zvake nyika achiitengesa. “Pakupera kwenguva iyoyo, mambo wokumaodzanyemba achamurwisa. Asi mambo wokuchamhembe achamuvhunga sechinyamupupuri aine ngoro dzehondo navarwi vamabhiza nengarava zhinji. Izvozvo achapinda mudzinyika vagoita bvakanyira imomo nokudimura zvavo nomo. Achapinda munyika yembiri makumi namakumi ezviuru agoita murakatira kufa. Asi vachapunyutswa mumaoko make ndevava vanoti nyika yeEdhomu neMoabhu nechikamu chikuru chaicho chavaAmoni. Nesimba roruoko rwake acharwisa chaizvo dzinyika, kana nyika yeIjipitiwo haipunyuki ipapo. Upfumi hwendarama nesirivha huchava mumaoko make nezvinhu zvose zvakakosha zveIjipiti; vokuRibhiya nevaItiopia vava kutotevera gwara rake iye. Asi nhau dzichabva kumabvazuva nokuchamhembe dzichamushayisa mazano. Ipapo achaendako achiviruka kwazvo nehasha kundotsakatisa achiparadza zvokuparadza zviya vazhinji. Ipapo achazvidzikira muzinda womusasa wematendhe pakati pegungwa negomo rembiri rinoera. Asi ikoko ndokuchava kuguma kwake pasina anomubatsira.

Pakurirana nevamwe
Dhanieri 11 SCLB