Dhanieri 10:11
Dhanieri 10:11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye akati kwandiri, “Dhanieri, iwe unokudzwa zvikuru, chichengeta zvikuru mashoko andava kutaura kwauri, uye usimuke, nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Zvino paakareva izvi kwandiri, ndakasimuka ndichidedera.
Dhanieri 10:11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Akati kwandiri, ‘Iwe Dhanieri, murume anodikanwa kwazvo, chinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwazvo; nokuti ndatumwa kwauri iwe zvino.’ Aakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndichidedera.
Dhanieri 10:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akanditi, “Dhanieri, munhu wapamwoyo chaiye nyatsoteerera mazwi andava kukutaurira chinyatsomira nokuti zvino ndatumwa kwauri.” Paakataura neni izvozvi ndakamira ndichidedera.
Dhanieri 10:11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kwandiri: Iwe Danieri, murume unoɗikanwa kwaɀo, cinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwaɀo; nokuti ndatumŋa kwauri iwe ɀino. Wakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndiciɗeɗera.