Dhanieri 1:5-8
Dhanieri 1:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo akarayira kuti vapiwe zvokudya zvezuva rimwe nerimwe newaini yaibva patafura yamambo. Vaifanira kudzidziswa kwamakore matatu, uye shure kwaizvozvo vaizopinda paushumiri hwamambo. Pakati pavo paiva navamwe vaibva kuJudha vaiti: Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria. Vakuru vamachinda vakavatumidza mazita matsva sezvinotevera: Dhanieri vakamupa zita rokuti Bheriteshazari; Hanania akanzi Shadhireki; Mishaeri akanzi Meshaki; uye Azaria akanzi Abhedhinego. Asi Dhanieri akazvisunga mumwoyo make kuti arege kuzvisvibisa nezvokudya zvamambo newaini yake, uye akakumbira mukuru wamachinda mvumo yokuti arege kuzvisvibisa nenzira iyi.
Dhanieri 1:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mambo akarayira kuti vapiwe mumwe mugove wezvokudya zvamambo zuva rimwe nerimwe, nowewaini yaainwa, uye kuti vachengetwe makore matatu, kuti kana apera vagomira pamberi pamambo. Zvino pakati pavo pakanga pana Dhanieri naHanania naMishaeri naAzaria, vari vana vaJudha. Muchinda wavaranda akavatumidza mazita, Dhanieri akamutumidza zita rinonzi Bheteshazari, naHanania rinonzi Shadhiraki, naMishaeri rinonzi Meshaki, naAzaria rinonzi Abhedhinego. Asi Dhanieri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvin’orese nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvin’oresa.
Dhanieri 1:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo akarayira kuti zuva nezuva vapote vachipiwawo mugove wechokudya chakanaka chaidyiwa namambo newaini yaainwa. Vaizoita makore matatu vachidzidziswa, mushure menguva iyoyo, ndivo vaizenge vava vokushanda pana mambo. Pakati pamajaya iwaya paivawo naDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya vedzinza rokwaJudha. Mukuru wavayuniki, akavapa mamwe mazita. Akapa Dhanieri zita rokuti Bheriteshaza, Hananiya akamutumidza rokuti Shadhiraki. Akapawo Mishaeri zita rokuti Meshaki ndokutumidza Azariya zita rokuti Abhedhinego. Asi Dhanieri akazviti nechomumwoyo handimboda zvangu kuzvin'oresa nechokudya chamambo chakanakisisa kana newaini yaanonwa. Naizvozvo akakumbira muyuniki mukuru kuti amubvumire zvake kusazvin'oresa.
Dhanieri 1:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mambo akaraira kuti ʋapiwe mumŋe mugoʋe weɀokudya ɀamambo zuʋa rimŋe nerimŋe, nowewaini yaainwa, ʋuye kuti ʋaceŋgetwe makore matatu, kuti kana apera ʋagomira pamberi pamambo. Ɀino pakati paʋo pakaŋga panaDanieri naHanania naMishaeri naAzaria, ʋari ʋana ʋaJuda. Mucinda waʋaranda akaʋatumidza mazita, Danieri akamutumidza zita rinonzi Berteshazari, naHanania rinonzi Shadraki, naMishaeri rinonzi Meshaki, naAzaria rinonzi Abedi‐nego. Asi Danieri wakaɀisuŋga mumŋoyo make kuti haaŋgaɀiȿiɓisi neɀokudya ɀamambo kana newaini yaainwa; saka wakakumbira kunomucinda waʋaranda kuti arege kuɀiȿiɓisa.
Dhanieri 1:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)