Dhanieri 1:17-20
Dhanieri 1:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose. Mazuva akatarwa namambo kuti vapinde akati apera, mukuru wamachinda akavaisa kuna Nebhukadhinezari. Mambo akataura navo, uye akasawana mumwe zvake akanga akaenzana navanaDhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria; saka vakapinda kuti vandoshandira mambo. Pazvinhu zvose zvouchenjeri nokunzwisisa pamusoro pezvose zvaibvunzwa namambo, akavawana vachipfuura kagumi nʼanga dzose navanhu vose muumambo hwose.
Dhanieri 1:17-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanieri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa. Zvino mazuva akati apera akanga atarwa namambo okuti vauyiswe nawo, muchinda wavaranda akapinda navo pamberi paNebhukadhinezari. Mambo akataurirana navo, pakati pavose kukasawanikwa vakanga vakafanana naDhanieri naHanania naMishaeri naAzaria; saka ivo vakamira pamberi pamambo. Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen’anga dzose dzaiva paushe hwake.
Dhanieri 1:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Majaya iwaya ari mana kudaro, Mwari, akaapa ruzivo nounyanzvi hwezvezvinyorwa zvose noungwaru uye Dhanieri ainzwisisa zvose zviratidzo nezviroto. Kuzoti nguva iya yapera, mambo paakati majaya iwayo auyiwe nawo, muyuniki uya, mukuru akavaunza makanga muina Nebhukadhineza. Mambo akataura navo. Zvino pakati pavo vose hapana mumwe akanga akaita saDhanieri naHananiya naMishaeri naAzariya. Naizvozvo vakabva vava vokushanda pana mambo. Panyaya yose yose zvayo painge pava kutsvakwa ungwaru nouchenjeri pazvinhu zvavainge vabvunzwa namambo, mambo aiona kuti vaiva vari nani zvokutopeta kagumi vamapipi kana vamaminimini vaiva munyika dzose dzoumambo hwake.
Dhanieri 1:17-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana ari majaya awa manna, Mŋari wakaʋapa ziʋo nokuŋgwara pamagwaro ose noʋucenjeri bgose; asi Danieri wakaŋga acigona kunzwisisa ɀose ɀairatidzwa naMŋari neɀairotwa. Ɀino mazuʋa akati apera akaŋga atarwa namambo okuti ʋaʋuyiswe nawo, mucinda waʋaranda akapinda naʋo pamberi paNebukadnezari. Mambo akataurirana naʋo, pakati paʋose kukasawanikwa ʋakaŋga ʋakafanana naDanieri naHanania naMishaeri naAzaria; saka iʋo ʋakamira pamberi pamambo. Pamashoko ose oʋucenjeri nookunzwisisa, aʋaivunzwa namambo, wakawana kuti iʋo ʋaipfuʋura kagumi ʋacenjeri ʋose neŋaŋga dzose dzaiʋa paʋushe bgake.
Dhanieri 1:17-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)