VaKorose 4:7-9
VaKorose 4:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tikikasi achakuudzai mashoko ose pamusoro pangu. Iye ihama inodikanwa kwazvo, mushumiri akatendeka nomushandi pamwe chete neni muna She. Ndiri kumutuma kwamuri nechinangwa ichi kuti muzive zvatiri uye kuti akurudzire mwoyo yenyu. Ari kuuya pamwe chete naOnesimasi, hama yedu yakatendeka uye inodikanwa, anova mumwe wenyu. Vachakuudzai zvose zviri kuitika kuno.
VaKorose 4:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikanwa, mushumiri akatendeka, nomuranda pamwechete neni muna Ishe. Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze mwoyo yenyu; pamwechete naOnesimo, hama yakatendeka, inodikanwa, mumwe wokwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zvapano.
VaKorose 4:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tikikusi achakuzivisai nezvangu zvese. Ihama yapamwoyo, mushandiri akatendeka mushandipamwechete muna Tenzi. Izvozvi ndizvo zvakaita kuti ndimutumire kwamuri kuti imi muzive kuti isu takadii uye kuti, agokukurudzirai Ndamutumira pamwechete naOnesimo hama yakatendeka yapamwoyo, mumwe wenyu. Vachakutaurirai zvose zvakaitika kuno.
VaKorose 4:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mucaziʋiswa ɀaŋgu ɀose naTikiko, hama inoɗikanwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamŋe cete neni munaShe. Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muziʋe ɀeɗu, anyaradze mŋoyo yenyu; pamŋe cete naOnesimo, hama yakatendeka, inoɗikanwa, mumŋe wokwenyu. Iʋo ʋacakuziʋisai ɀose ɀapano.
VaKorose 4:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)