VaKorose 4:2-6
VaKorose 4:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga. Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa. Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira. Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.
VaKorose 4:2-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuvonga; mutinyengeterere nesuo kamwe, kuti Mwari atizarurire musuo weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho; kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura. Fambai nokuchenjera kuna vari kunze, muchingwarira nguva yenyu. Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.
VaKorose 4:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rambai muchinamata, mungwarire kunamata muchitenda. Mutinamatirewo kuti Mwari atizarurire musuo weshoko kuti tiparidze zvakavandika zvaKristu. Ndiri muno mujeri pamusana pazvo kuti ndiri tsanangure zviri pachena sezvandinofanira kuti ndiite. Fambidzanai noungwaru navasiri mubato renyu. Pane zvenguva, mototi chawawana batisa. Matauriro enyu ngaave matauriro akanaka kuti muzive kunyatsodavira anenge akubvunzai.
VaKorose 4:2-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tsuŋgirirai pakunyeŋgetera, murinde pakuri nokuʋoŋga; mutinyeŋgeterere nesu ʋo kamŋe, kuti Mŋari atizarurire mukoʋa weshoko, titaure cakaʋanzika caKristu, candakasuŋgirwa ico; kuti ndiciratidze, seɀandinofanira kutaura. Fambai nokucenjera kunaʋari kunze, muciŋgwarira ŋguʋa yenyu. Kutaura kwenyu ŋgakuʋe nenyasha ŋguʋa dzose, kwakaruŋgwa nomunyu, kuti muziʋe kupindura mumŋe nomumŋe seɀamunofanira kuita.
VaKorose 4:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)