VaKorose 3:1-3
VaKorose 3:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari. Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika. Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari.
VaKorose 3:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo, kana makamutswa pamwechete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kuna Kristu, agere kurudyi rwaMwari. Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi. Nokuti makafa, upenyu hwenyu hwakavigwa pamwechete naKristu muna Mwari.
VaKorose 3:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kana makamuka pamwechete naKristu kudai tswakai zviri kumusoro kuna Kristu kwaagere kurudyi rwaMwari. Isai mwoyo yenyu kune zvokudenga, kwete zvapasi pano. Ndinodaro nokuti makafa uye kuti upenyu hwenyu hwakavigwa pamwechete naKristu muna Mwari.
VaKorose 3:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo, kana makamutswa pamŋe cete naKristu, tȿakai ɀiri kumsoro, uko kunaKristu, ugere kurudyi rwaMŋari. Fuŋgai ɀiri kumsoro, musafuŋga ɀiri pasi. Nokuti makafa, ʋupenyu bgenyu bgakaʋigwa pamŋe cete naKristu munaMŋari.
VaKorose 3:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)