Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 2:6-10 - Compare All Versions

VaKorose 2:6-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari, mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga. Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu. Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri, nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.

Pakurirana nevamwe
VaKorose 2 BDSC

VaKorose 2:6-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari, mune midzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga. Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu. Nokuti kuzara kwohuMwari kunogara maari pamuviri. Maari nemiwo makazadzwa, iye musoro wavabati vose namasimba

Pakurirana nevamwe
VaKorose 2 SNA2002

VaKorose 2:6-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Sezvo makagamuchira Kristu Jesu Tenzi naizvozvo fambai maari, mudzike midzi maari makavakwa paari makanyatsosimba kumira muchitendero sokudzidziswa kwamakaitwa muchiwanzotenda. Ngwarirai kuti pasave nomunhu anokuitai chinhu chokutamba nacho achisevenzesa ungwaru nounyengedzi husina maturo achitevedza magamuchidzanwa avanhu uye achitevedza zvemweya yapanyika asingatevedzi zvaKristu. Chikonzero ndechokuti umwari huzere hunogara maari sechinhu chaicho. Maari, imi makauya kuupenyu huzere, kuna iye mutongi wavatongi nomukuru wavakuru–vakuru.

Pakurirana nevamwe
VaKorose 2 SCLBD

VaKorose 2:6-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Naiɀoɀo seɀamakagamucira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari, munemidzi yenyu nokuʋakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, seɀamakadzidziswa, mucinyanya kuʋoŋga. Cenjerai, kuti murege kutapxa nomunhu noʋucenjeri, nokunyeŋgera kusinamaturo, aciteʋera tsika dzaʋanhu neɀokuʋamba ɀenyika, asiŋgateʋeri Kristu. Nokuti kuzara kwoʋuMŋari kunogara maari pamuʋiri. Maari nemi ʋo makazadzwa, iye musoro waʋaɓati ʋose namasimba

Pakurirana nevamwe
VaKorose 2 SUB1949

VaKorose 2:6-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Sezvo makagamuchira Kristu Jesu Tenzi naizvozvo fambai maari, mudzike midzi maari makavakwa paari makanyatsosimba kumira muchitendero sokudzidziswa kwamakaitwa muchiwanzotenda. Ngwarirai kuti pasave nomunhu anokuitai chinhu chokutamba nacho achisevenzesa ungwaru nounyengedzi husina maturo achitevedza magamuchidzanwa avanhu uye achitevedza zvemweya yapanyika asingatevedzi zvaKristu. Chikonzero ndechokuti umwari huzere hunogara maari sechinhu chaicho. Maari, imi makauya kuupenyu huzere, kuna iye mutongi wavatongi nomukuru wavakuru–vakuru.

Pakurirana nevamwe
VaKorose 2 SCLB