VaKorose 2:16-17
VaKorose 2:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo musave nomunhu anokutongerai munezvokudya, kana zvokunwa, kana mune zvamazuva makuru, kana zvokugara kwomwedzi kana nezveSabata. Izvi zvinongova mubvuri zvawo wezvichauya asi zvinhu chaizvoizvo zvinhu zvina Kristu.
VaKorose 2:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata. Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu.
VaKorose 2:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo anokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana paSabata; izvi mumvuri wezvichauya; asi muviri ndowaKristu.
VaKorose 2:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo musave nomunhu anokutongerai munezvokudya, kana zvokunwa, kana mune zvamazuva makuru, kana zvokugara kwomwedzi kana nezveSabata. Izvi zvinongova mubvuri zvawo wezvichauya asi zvinhu chaizvoizvo zvinhu zvina Kristu.
VaKorose 2:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutoŋgai paɀokudya, kana ɀokunwa, kana nokuɗa kwomusi womutambo, kana pakugara kwomŋedzi, kana pasaɓata; iɀi mumvuri weɀicaʋuya; asi muʋiri ndowaKristu.
VaKorose 2:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)