VaKorose 2:13-14
VaKorose 2:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose, akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa.
VaKorose 2:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai upenyu pamwechete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose, akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa
VaKorose 2:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi makanga makafa pamusana pezvikanganiso zvenyu nokusadzingiswa kwenyama yenyu, Mwari akaita kuti tive vapenyu pamwechete naye, iye atiregerera zvikanganiso zvedu zvose. Izvozvo ainge adzima chiga chemhosva yakanga yakanangana nesu nomutemo waitiroverera, iwoyu akaubvisa akauroverera pamuchinjikwa.
VaKorose 2:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nemi, imi makaŋga makafa pakuɗarika kwenyu napakusadziŋgiswa kwenyama yenyu, wakakupai ʋupenyu pamŋe cete naye, akatikaŋganwira kuɗarika kweɗu kwose, akadzima rugwaro rwakaŋga rucirwa nesu paɀireʋo ɀarwo, rucipesana nesu; akarubvisa irwo pakati peɗu, akaruroʋera pamucinjikwa
VaKorose 2:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)