Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 2:1-23

VaKorose 2:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu nepaavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu. Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu, maari ndimo makachengetwa pfuma yose youchenjeri nokuziva. Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso. Nokuti kunyange ndisipo pamuri panyama, mumweya ndinemi uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu. Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari, mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga. Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu. Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri, nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba. Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu, makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kubva kuvakafa. Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose, akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa. Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa. Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata. Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu. Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina. Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo namarunda, unokura sezvinoda Mwari. Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, muchizviisa pasi pemitemo yayo inoti: “Usabata! Usaravira! Usagunzva!”? Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu. Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokurwadzisa kwavo muviri, asi zvisingagoni kudzivisa kuchiva kwomuviri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaKorose 2

VaKorose 2:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodhikia, navose vasina kumboona chiso changu panyama; kuti mwoyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nepfuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu; maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwa. Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu anokurashai namashoko anonyengera. Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichiona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu muna Kristu. Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari, mune midzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga. Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu. Nokuti kuzara kwohuMwari kunogara maari pamuviri. Maari nemiwo makazadzwa, iye musoro wavabati vose namasimba; iye wamakadzingiswawo maari nokudzingiswa kusingaitwi namaoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu; makavigwa pamwechete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswawo pamwechete naye nokutenda kwenyu simba raMwari akamumutsa kuvakafa. Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai upenyu pamwechete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose, akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa; akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri. Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo anokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana paSabata; izvi mumvuri wezvichauya; asi muviri ndowaKristu. Munhu ngaarege kuvapo anokutorerai mubayiro wenyu namawune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakaona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama, asingabatisisi Musoro, uyo, maari muviri wose unosimbiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari. Zvino kana makafa pamwechete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirayiro, somugere munyika, mirayiro inoti, “Usabata,” “Usaravira,” “Usagunzva,” izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo; muchitevera mirayiro nedzidziso dzavanhu? Zvinhu zvakadai zvakaita sezvino uchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvina simba rokukunda kuchiva kwenyama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaKorose 2

VaKorose 2:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndingade ini kuti imi novokuRaodhesia navamwe vose vasati vandiona uso nouso, muzive kuti ndinokutamburirai zvakakura sei. Ndinoita izvi kuti vakurudzirwe mwoyo vari murudo kuti vawane upfumi hwose hwokunzwisisa hunogadzanisa mwoyo uye kuti vawane ruzivo rwechakavandika chaMwari zvichireva iye Kristu. Maari ndimo mune upfumi hwose hwoungwaru noruzivo zvakavandika. Ndinodaro kuti pasave nomunhu anokunyengedzai namashoko anotapira nokuti kunyange zvangu ini mbune ndisiko ikoko asi ndinemi mumwoyo, ndichifarira kuona kuzvibata kwenyu nokusimbarara kwechitendero chenyu muna Kristu. Sezvo makagamuchira Kristu Jesu Tenzi naizvozvo fambai maari, mudzike midzi maari makavakwa paari makanyatsosimba kumira muchitendero sokudzidziswa kwamakaitwa muchiwanzotenda. Ngwarirai kuti pasave nomunhu anokuitai chinhu chokutamba nacho achisevenzesa ungwaru nounyengedzi husina maturo achitevedza magamuchidzanwa avanhu uye achitevedza zvemweya yapanyika asingatevedzi zvaKristu. Chikonzero ndechokuti umwari huzere hunogara maari sechinhu chaicho. Maari, imi makauya kuupenyu huzere, kuna iye mutongi wavatongi nomukuru wavakuru–vakuru. Mukudzingiswa kwaKristu maari imi makadzingisawo, kwete nokudzingiswa kwakaitwa namaoko muchibvisa muviri wenyama mukudzingiswa kwaKristu. Makavigwa pamwechete naye mukuombekwa, imomo makamuka naye pamusana pechitendero chenyu mukushanda kunoita Mwari akamumutsa kuvafi. Imi makanga makafa pamusana pezvikanganiso zvenyu nokusadzingiswa kwenyama yenyu, Mwari akaita kuti tive vapenyu pamwechete naye, iye atiregerera zvikanganiso zvedu zvose. Izvozvo ainge adzima chiga chemhosva yakanga yakanangana nesu nomutemo waitiroverera, iwoyu akaubvisa akauroverera pamuchinjikwa. Akabvutira veukuru ukuru vaya namadzishe aya zvombo zvavo zvokurwisa achivaita ivo muenzaniso unoonekwa nani nani zvake achivakurira pachiri. Naizvozvo musave nomunhu anokutongerai munezvokudya, kana zvokunwa, kana mune zvamazuva makuru, kana zvokugara kwomwedzi kana nezveSabata. Izvi zvinongova mubvuri zvawo wezvichauya asi zvinhu chaizvoizvo zvinhu zvina Kristu. Musabvumire munhu kuti akutii hamukodzeri pamusana pokuvavaridza panyaya dzokuzvirwadzisa kana kunamata vatumwa achiti anoona zviratidzo achinyunduma zvisina musoro nepfungwa dzamanyawi chete asingasimbi nokubatirira kumusoro unopa muviri wose chokudya uye unoubatanidza nenhengo namarunda unokura uchikuriswa naiye Mwari. Kana makafa pamwechete naKristu kunezvemweya yenyika munogarirei sokunge muri venyika, munozviisirei pasi pemitemo inoti, “Zvinoera kugunzwa ichi,” “Zvinoera kuravira ichi,” “Zvinoera kubata icho?” Izvozvo vachitaura nezvezvinhu zvinopera pazvinoshandiswa muchitevera mirau nezvidzidziso zvavanhu. Izvi zvinotarisika soungwaru mukuzviomesera kwavanoita pakunamata kwavo vachizvininipisa uye kuzvirwadzisa kwavanoita muviri asi zvisina chazvinobatsira pakudzora munhu pahavi dzomuviri wake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaKorose 2

VaKorose 2:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nokuti ndinoɗa kuti muziʋe kurwa kukuru kwandinako pamsoro penyu, naʋari paRaodikia, naʋose ʋasina‐kumboʋona ciso caŋgu panyama; kuti mŋoyo yaʋo isimbiswe, ʋasuŋganidzwe muruɗo, ʋaʋe nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti ʋaziʋe kwaɀo cakaʋanzika caMŋari, iye Kristu; maari fuma yose yoʋucenjeri nokuziʋa yakaceŋgetwa. Ndinoreʋa iɀi, kuti kurege kuʋa nomunhu unokurashai namashoko anonyeŋgera. Nokuti kunyaŋge ndisi’po panyama, ndiri’po nemi pamŋeya, ndinofara ndiciʋona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu munaKristu. Naiɀoɀo seɀamakagamucira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari, munemidzi yenyu nokuʋakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, seɀamakadzidziswa, mucinyanya kuʋoŋga. Cenjerai, kuti murege kutapxa nomunhu noʋucenjeri, nokunyeŋgera kusinamaturo, aciteʋera tsika dzaʋanhu neɀokuʋamba ɀenyika, asiŋgateʋeri Kristu. Nokuti kuzara kwoʋuMŋari kunogara maari pamuʋiri. Maari nemi ʋo makazadzwa, iye musoro waʋaɓati ʋose namasimba; iye wamakadziŋgiswa ʋo maari nokudziŋgiswa kusiŋgaitwi namaʋoko, muʋiri wenyama ucibviswa, nokudziŋgiswa kuri kwaKristu; makaʋigwa pamŋe cete naye pakubapatidzwa, pamakamutswa ʋo pamŋe cete naye nokutenda kwenyu simba raMŋari wakamumutsa kuʋakafa. Nemi, imi makaŋga makafa pakuɗarika kwenyu napakusadziŋgiswa kwenyama yenyu, wakakupai ʋupenyu pamŋe cete naye, akatikaŋganwira kuɗarika kweɗu kwose, akadzima rugwaro rwakaŋga rucirwa nesu paɀireʋo ɀarwo, rucipesana nesu; akarubvisa irwo pakati peɗu, akaruroʋera pamucinjikwa; akaparadza ʋaɓati namasimba, akaʋaɓuɗisa pacena, akaʋakunda mauri. Naiɀoɀo munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutoŋgai paɀokudya, kana ɀokunwa, kana nokuɗa kwomusi womutambo, kana pakugara kwomŋedzi, kana pasaɓata; iɀi mumvuri weɀicaʋuya; asi muʋiri ndowaKristu. Munhu ŋgaarege kuʋa’po unokutorerai muɓairo wenyu namaʋune, nokuɀininipisa nokunamata ʋatumŋa, aciʋimba neɀaakaʋona, aciɀikudza pasina nokufuŋga kwenyama, asiŋgaɓatisisi Musoro, uyo, maari muʋiri wose unosimbiswa nokusuŋganidzwa neɀisuŋgo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMŋari. Ɀino kana makafa pamŋe cete naKristu kuneɀokuʋamba ɀenyika, munoɀiisireiko pasi pemirairo, somugere munyika, mirairo inoti: usaɓata, usaraʋira, usagunɀa, (iɀi ɀose ɀinofanira kuparadzwa kana ɀoɓatwa naɀo); muciteʋera mirairo nedzidziso dzaʋanhu? Ɀinhu ɀakaɗai ɀakaita seɀinoʋucenjeri, pakunamata Mŋari nokuɗa kwaʋo, nokuɀininipisa, nokutambudza muʋiri; asi haɀinesimba rokukunda kuciʋa kwenyama.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaKorose 2

VaKorose 2:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)