VaKorose 1:9-10
VaKorose 1:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuda kwaizvozvi, kubvira pazuva ratakanzwa nezvenyu, hatina kurega kukunyengetererai tichikumbira Mwari kuti akuzadzei nokuziva kuda kwake kubudikidza nouchenjeri hwose hwomweya, uye nokunzwisisa. Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari
VaKorose 1:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka nesuo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya; kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo
VaKorose 1:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo kubvira musi watakazvinzwa hatimborega kukunamatirai tichikumbira kuti muve noruzivo ruzere rwezvaanoda muungwaru nokunzwisisa kwezvomweya kuitira kuti mugare upenyu hunokodzerana naTenzi, hunomufadza zvizere huchibereka michero yakanaka mumabasa ose uyewo muchikurakura mukuziva kwenyu Mwari.
VaKorose 1:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka nesu ʋo, kubvira pazuʋa ratakanzwa, hatiregi kukunyeŋgetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziʋa kwaɀo kuɗa kwake, pakucenjera nokunzwisisa kwose kwomŋeya; kuti mufambe seɀinofanira Ishe, mucimufadza paɀose, muciɓereka ɀiɓereko pamaɓasa ose akanaka, mucikura pakuziʋa Mŋari kwaɀo
VaKorose 1:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)