Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 1:27-28 - Compare All Versions

VaKorose 1:27-28 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kwavari, Mwari akasarudza kuti azivise pakati pavaHedheni, pfuma inobwinya yechakavanzika ichi, iye Kristu mamuri, tariro yokubwinya. Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tisvitse munhu wose akakwana muna Kristu.

Pakurirana nevamwe
VaKorose 1 BDSC

VaKorose 1:27-28 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

kuna ivo Mwari waakada kuvazivisa upfumi hwokubwinya kwechakavanzika ichochi pakati pavahedheni, chokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubwinya; iye watinoparidza isu, tichirayira munhu mumwe nomumwe, tichidzidzisa munhu mumwe nomumwe nouchenjeri hwose, kuti tiise munhu mumwe nomumwe akakwana muna Kristu

Pakurirana nevamwe
VaKorose 1 SNA2002

VaKorose 1:27-28 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

kunaiʋo Mŋari waakaɗa kuʋaziʋisa ʋufumi bgokubginya kwecakaʋanzika icoci pakati paʋahedeni, cokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubginya; iye watinoparidza isu, ticiraira munhu mumŋe nomumŋe, ticidzidzisa munhu mumŋe nomumŋe noʋucenjeri bgose, kuti tiise munhu mumŋe nomumŋe akakwana munaKristu

Pakurirana nevamwe
VaKorose 1 SUB1949

VaKorose 1:27-28 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mwari akada zvake kuzivisa vechirudzi kuwanda kwakaita upfumi hwembiri yechakavandika chiya. Chakavandika chacho ndiKristu ari mamuri iye chitarisiro chembiri. Ndiye watinoparidza, tichichiyambira munhu wose tichidzidzisa munhu wose muungwaru hwose kuti akutsvitsei mava vanhu vabva zano muna Kristu.

Pakurirana nevamwe
VaKorose 1 SCLB

VaKorose 1:27-28 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mwari akada zvake kuzivisa vechirudzi kuwanda kwakaita upfumi hwembiri yechakavandika chiya. Chakavandika chacho ndiKristu ari mamuri iye chitarisiro chembiri. Ndiye watinoparidza, tichichiyambira munhu wose tichidzidzisa munhu wose muungwaru hwose kuti akutsvitsei mava vanhu vabva zano muna Kristu.

Pakurirana nevamwe
VaKorose 1 SCLBD