VaKorose 1:19-22 - Compare All Versions
VaKorose 1:19-22 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Mwari akafadzwa nazvo kuti kuzara kwake kwose kugare maari, uye kubudikidza naye ayananise kwaari zvinhu zvose, zvingava zvinhu zviri panyika kana zvinhu zviri kudenga, nokuita rugare kubudikidza neropa rake, rakateurwa pamuchinjikwa. Kare makanga muri vatorwa kuna Mwari uye maiva vavengi mupfungwa dzenyu nokuda kwetsika dzenyu dzakaipa. Asi zvino akakuyananisai nomuviri waKristu kubudikidza norufu kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, vasina chavanopomerwa uye makasunungurwa kubva pakupomerwa
VaKorose 1:19-22 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Baba vakafara nazvo, kuti kuzara kwose kugare maari, kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa rake rakaparadzirwa romuchinjikwa naiye, kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga. Nemiwo, kare maiva vaeni navavengi pakufunga kwenyu pamabasa enyu akaipa, asi zvino wakakuyananisai nomuviri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri vatsvene, musina mhosva, musingapomerwi
VaKorose 1:19-22 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti Ƃaɓa ʋakafara naɀo, kuti kuzara kwose kugare maari, kuti naye ayananise ɀinhu ɀose kwaari, amboita rugare neropa romucinjikwa wake; naiye, kunyaŋge ɀiri panyika, kunyaŋge ɀiri kuɗeŋga. Nemi ʋo, kare maiʋa ʋaeni naʋaʋeŋgi pakufuŋga kwenyu pamaɓasa enyu akaipa, asi ɀino wakakuyananisai pamuʋiri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri ʋatȿene, musinemhoȿa, musiŋgapomerwi
VaKorose 1:19-22 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti maari umwari huzere hwakafadzwa kuita musha wahwo uye kuti nemaari, ayananise zvinhu zvose naye. Achizviwadzanisa neropa romuchinjikwa wake, zvingave zviri pasi pano kana zviri kudenga. Zvino imi makambenge makatsauka, makapanduka mwoyo, muri vezviito zvakashata, akakuyananisai nomuviri wake wenyama nokufa kwaakaita kuti akutsvitsei kwaari muri vatsvene, vasina chinoshoreka uye vasina mhosva yavangapiwe.
VaKorose 1:19-22 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)