VaKorose 1:15-17
VaKorose 1:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose. Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari.
VaKorose 1:15-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiye mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose; nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zvoushe, kana ushe, kana vabati, kana masimba; zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake. Ndiye anotangira zvose, zvose zvakabatana maari.
VaKorose 1:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi. Dangwe–rume rechisikwa chiri chose nokuti maari, Mwari ndomaakasika namo zvinhu zvose, zviri pasi nezviri kudenga, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kunyange vezvigaro zvokutonga kana voumambo kana kuti vane ukuru–ukuru kana madzishe. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari uyewo ndiye wazvakasikirwa. Ndiye nyakutangira zvinhu zvose uye maari zvinhu zvose zvinobatanidzwa zviri mumaoko ake.
VaKorose 1:15-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiye mufananidzo waMŋari usiŋgaʋonekwi, ɗaŋgwe reɀisikwa ɀose; nokuti maari ɀinhu ɀose ɀakasikwa, ɀiri kuɗeŋga napanyika, ɀinoʋonekwa neɀisiŋgaʋonekwi, kana ɀiri ɀigaro ɀoʋushe, kana ʋushe, kana ʋaɓati, kana masimba; ɀinhu ɀose ɀakasikwa naye, ɀiri’po nokuɗa kwake. Ndiye unotaŋgira ɀose, ɀose ɀakaɓatana maari.
VaKorose 1:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)