Amosi 7:10-17 - Enzanisa Shanduro Dzose
Amosi 7:10-17 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Amazia muprista weBheteri akatumira shoko kuna Jerobhoamu mambo weIsraeri achiti, “Amosi akaita rangano yokukumukirai pakati chaipo pemwoyo weIsraeri. Nyika haigoni kugamuchira mashoko ake ose. Nokuti izvi ndizvo zviri kutaurwa naAmosi: “ ‘Jerobhoamu achafa nomunondo, uye Israeri ichaenda kuutapwa, zvirokwazvo kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ” Ipapo Amazia akati kuna Amosi, “Ibva muno, iwe muoni! Dzokera kunyika yeJudha. Uzviwanire zvokudya zvako ikoko, uchiprofita ikoko. Usaprofitazve paBheteri, nokuti iyi ndiyo nzvimbo tsvene yamambo uye netemberi youmambo.” Amosi akapindura Amazia achiti, “Ndakanga ndisiri muprofita, kana mwanakomana womuprofita, asi ndaiva mufudzi nomutariri wemionde yemisikamo. Asi Jehovha akanditora kubva paufudzi hwamakwai akati kwandiri, ‘Enda uprofite kuvanhu vangu Israeri.’ Zvino, chinzwa shoko raJehovha. Iwe unoti, “Usaprofita pamusoro paIsraeri, uye rega kuparidza pamusoro peimba yaIsaka.” “Naizvozvo zvanzi naJehovha: “ ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, uye vanakomana nevanasikana vako vachaparadzwa nomunondo. Nyika yako ichayerwa igoganhurwa, uyezve iwe pachako uchafira munyika yevedzimwe ndudzi, Uye zvirokwazvo Israeri ichaenda kuutapwa, kure nenyika yavo yechizvarwa.’ ”
Amosi 7:10-17 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Amazia mupristi weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoami mambo waIsiraeri, achiti, “Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose. Nokuti Amosi anoti, ‘Jerobhoami achaurawa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ” Amazia akatiwo kuna Amosi, “Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo; asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, iimba yamadzimambo.” Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amazia, “Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde, Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, ‘Enda, undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.’ Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, ‘Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;’ naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe amene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ”
Amosi 7:10-17 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Amazia muprista weBeti‐eri wakatuma nhume kunaJeroboami mambo waIsraeri, aciti: Amosi wakaraŋgana pakati peimba yaIsraeri kukuʋurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose. Nokuti Amosi unoti: Jeroboami ucaʋurawa nomunondo, Israeri ʋacatapxa ɀirokwaɀo ʋacibviswa panyika yaʋo. Amazia akati ʋo kunaAmosi: Iwe muʋoni, enda, utizire kunyika yaJuda, undodya’po ɀokudya, uprofite’po; asi urege kuzoprofita ɀe paBeti‐eri; nokuti inɀimbo tȿene yamambo, iimba yamadzimambo. Ipapo Amosi akapindura, akati kunaAmazia: Ini ndakaŋga ndisi muprofita, ndakaŋga ndisi mŋanakomana womuprofita; asi ndakaŋga ndiri mufudzi nomurimi wemiʋonde, Jehova akanditora ndiciteʋera makwai, Jehova akati kwandiri: Enda, undoprofita kuʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri. Ɀino iwe cinzwa shoko raJehova: Iwe unoti: Rega kuprofita pamsoro paIsraeri, rega kuɗonhedza shoko pamsoro peimba yaIsaka; naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Mukadzi wako ucaʋa cifeʋe muguta, ʋanakomana ʋako naʋanasikana ʋako ʋacaparadzwa nomunondo, ʋuye nyika yako icaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe umene ucafira munyika isakanaka, ʋuye ʋaIsraeri ʋacatapxa ɀirokwaɀo ʋacibviswa panyika yaʋo.
Amosi 7:10-17 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Amaziya, mupristi wokuBhetieri, akatumira shoko kuna Jerobhoamu, mambo wokwaIsiraeri, rokuti, “Amosi ari kukupandukirai mukati memba yevokwaIsiraeri. Zvose zviri kubuda pamuromo pake apa, nyika haichagona kutakurana nazvo nokuti Amosi ari kuti, “ ‘Jerobhoamu achafa rufu rwebakatwa rehondo, uye kuti vokwaIsiraeri, vachatoendwa navo chete kuutapwa kure nenyika yavo.’ ” Amaziya akati kuna Amosi, “Iwe muoni chibva, utizire kunyika yokwaJudha uwane chokudya chako ikoko, uchiporofita uri ikoko. Asi usambofa wakazoporofitazve pano paBhetieri nokuti pano apa, iNzvimbo Inoera yamambo iTemberi yenyika.” Amosi ndokupindura Amaziya achiti, “Handisi muporofita ini, kana mumwe webato revaporofita. Asi ndinotova mufudzi nomuchengetedzi weminda yamaonde. Saka TENZI ndiye akandibvisa mukufudza mombe, iye TENZI ndiye akanditi, ‘Enda undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.’ “Saka zvino chinzwai shoko raTENZI, iyemi muri kuti, ‘Rega kuporofita pamusoro peIsiraeri uye rega kuparidza uchitsoropodza imba yokwaIsaki.’ Naizvozvo zvanzi naTENZI, ‘Mudzimai wenyu achava pfambi muguta muno, vana venyu vakomana navasikana vachafa rufu rwepfumo Nyika yenyu imi ichagovanwa. Iyemi pachenyu muchafira kunyika yakan'ora, uye vaIsiraeri vachatoendwa navo chete kuutapwa kure nenyika yavo.’ ”
Amosi 7:10-17 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)