Amosi 3:4-8
Amosi 3:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ko, shumba ingaomba mudondo isina chayaruma here? Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here? Ko, shiri ingawira pasi mumusungo pasina kuteyiwa rugombe here? Ko, musungo ungaurukira kumusoro pasina chawabata here? Hwamanda ingarira muguta, vanhu vakasatya here? Njodzi painowira guta, ko, haazi Jehovha anenge azviita here? Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu asina kuzivisa varanda vake, vaprofita, zvakavanzika zvake. Shumba yaomba, ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha ataura, ndiani angarega kuprofita?
Amosi 3:4-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ko shumba ingaomba mudondo isina chayakuruma here? Ko shumba duku ingarira mubako rayo isina chayakabata here? Ko shiri ingawira pasi mumusungo paisina kudzikirwa rugombe here? Ko musungo ungaurukira kumusoro usina chawakabata here? Ko hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasatya here? Ko guta ringawirwa nezvakaipa, Jehovha asina kuzviita here? Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake. Shumba yaomba; ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha akataura; ndiani angarega kuporofita?
Amosi 3:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko shumba ingahon'e musango here iyo isina nyama yayabata? Ko shumba ichine simba rayo zvayo ingadhurume here mubako mayo iyo isina chayakabata? Ko ipo panyika pano shiri ingabatwe pamusungo pasina kuteiwa here? Ko musungo ungarapuka here usina chinhu chawabata? Ko tsuri ingaridzwe here muguta vanhu vakasatya? Ko guta ringawirwa nenhamo here TENZI asina kutoti zviitike? TENZI Mwari haana chaanomboita asina kutanga ambozivisa vaporofita, varanda vake. Kana shumba ikadzvova ndiani asingatyi? TENZI Mwari akataura ndiani angasaporofita.
Amosi 3:4-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko shumba iŋgaʋomba muɗondo isinacayakaruma here? Ko shumba ɗuku iŋgarira muɓako rayo isina‐cayakaɓata here? Ko shiri iŋgawira pasi mumusuŋgo paisina‐kudzikirwa rugombe here? Ko musuŋgo uŋgaurukira kumsoro usina‐cawakaɓata here? Ko hwamanda iŋgaridzwa muguta, ʋanhu ʋakasatya here? Ko guta riŋgawirwa neɀakaipa, Jehova asina‐kuɀiita here? Ɀirokwaɀo, Ishe Jehova haaŋgaiti cinhu, asina‐kumboziʋisa ʋaranda ʋake ʋaprofita ɀakaʋanzika ɀake. Shumba yaʋomba; ndiani uŋgarega kutya? Ishe Jehova wakataura; ndiani uŋgarega kuprofita?
Amosi 3:4-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)