Amosi 3:1-10
Amosi 3:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti: “Ndimi moga vandakasarudza pamhuri dzose dzapanyika; naizvozvo ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu zvose.” Ko, vaviri vangafamba pamwe chete vasina kunge vatenderana here? Ko, shumba ingaomba mudondo isina chayaruma here? Ko, ingarira mubako rayo isina chayabata here? Ko, shiri ingawira pasi mumusungo pasina kuteyiwa rugombe here? Ko, musungo ungaurukira kumusoro pasina chawabata here? Hwamanda ingarira muguta, vanhu vakasatya here? Njodzi painowira guta, ko, haazi Jehovha anenge azviita here? Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haaiti chinhu asina kuzivisa varanda vake, vaprofita, zvakavanzika zvake. Shumba yaomba, ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha ataura, ndiani angarega kuprofita? Paridzirai nhare dzeAshidhodhi nenhare dzeIjipiti muchiti: “Unganai pamakomo eSamaria; onai kusagadzikana kukuru kuri mukati maro, noudzvinyiriri huri pakati pavanhu varo.” “Havazivi kuita zvakarurama,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ivo vanounganidza zvakapambwa nezvakabiwa munhare dzaro.”
Amosi 3:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vana vaIsiraeri, pamusoro porudzi rwose rwandakabudisa panyika yeIjipiti, ndichiti, “Ndimi moga vandakaziva pakati pamarudzi ose enyika; naizvozvo ndichakurovai pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose.” Ko vaviri vangafamba pamwechete vasina kumbotenderana here? Ko shumba ingaomba mudondo isina chayakuruma here? Ko shumba duku ingarira mubako rayo isina chayakabata here? Ko shiri ingawira pasi mumusungo paisina kudzikirwa rugombe here? Ko musungo ungaurukira kumusoro usina chawakabata here? Ko hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasatya here? Ko guta ringawirwa nezvakaipa, Jehovha asina kuzviita here? Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake. Shumba yaomba; ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha akataura; ndiani angarega kuporofita? Paridzirai mudzimba dzoushe paAshidhodhi, nomudzimba dzoushe munyika yeIjipiti, muti, “Unganai pamakomo eSamaria, muone bope guru riripo, nokumanikidzwa kuri mukati maro. Nokuti havazivi kuita zvakarurama ndizvo,” zvinotaura Jehovha ivo vanounganidza kumanikidza nokupamba mudzimba dzavo dzoushe.
Amosi 3:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinzwai shoko rinotaurwa naTENZI rokukuyambirai imi vanhu veIsiraeri, ndichiyambira mhuri yose zvayo yandakaburitsa munyika yeIjipiti: “Imimi chete ndimi vandinoziva pamhuri dzose dzapasi pano, naizvozvo ini ndichakurangirai uipi hwenyu hwose.” Ko vanhu vaviri vangafambe pamwechete vasina kurangana here? Ko shumba ingahon'e musango here iyo isina nyama yayabata? Ko shumba ichine simba rayo zvayo ingadhurume here mubako mayo iyo isina chayakabata? Ko ipo panyika pano shiri ingabatwe pamusungo pasina kuteiwa here? Ko musungo ungarapuka here usina chinhu chawabata? Ko tsuri ingaridzwe here muguta vanhu vakasatya? Ko guta ringawirwa nenhamo here TENZI asina kutoti zviitike? TENZI Mwari haana chaanomboita asina kutanga ambozivisa vaporofita, varanda vake. Kana shumba ikadzvova ndiani asingatyi? TENZI Mwari akataura ndiani angasaporofita. Daidzirai kumizinda yeAsiria nokumizinda yeIjipiti muti, “Unganai pagomo reSamaria muone zvenyu nyonganyonga iri mariri namabatirwo akaipa ari kuitwa vanhu mariri.” Zvanzi naTENZI, “Havazivi kuita zvinhu nemazvo, vanotopfimbika utsinye nokupamba mumizinda mavo.
Amosi 3:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inzwai shoko iri rakataurwa naJehova pamsoro penyu, imi ʋana ʋaIsraeri, pamsoro porudzi rwose rwandakaɓuɗisa panyika yeEgipita, ndiciti: Ndimi moga ʋandakaziʋa pakati pamarudzi ose enyika; naiɀoɀo ndicakuroʋai pamsoro peɀakaipa ɀenyu ɀose. Ko ʋaʋiri ʋaŋgafamba pamŋe cete ʋasina‐kumbotenderana here? Ko shumba iŋgaʋomba muɗondo isinacayakaruma here? Ko shumba ɗuku iŋgarira muɓako rayo isina‐cayakaɓata here? Ko shiri iŋgawira pasi mumusuŋgo paisina‐kudzikirwa rugombe here? Ko musuŋgo uŋgaurukira kumsoro usina‐cawakaɓata here? Ko hwamanda iŋgaridzwa muguta, ʋanhu ʋakasatya here? Ko guta riŋgawirwa neɀakaipa, Jehova asina‐kuɀiita here? Ɀirokwaɀo, Ishe Jehova haaŋgaiti cinhu, asina‐kumboziʋisa ʋaranda ʋake ʋaprofita ɀakaʋanzika ɀake. Shumba yaʋomba; ndiani uŋgarega kutya? Ishe Jehova wakataura; ndiani uŋgarega kuprofita? Paridzirai mudzimba dzoʋushe paAshdodi, nomudzimba dzoʋushe munyika yeEgipita, muti: Ʋuŋganai pamakomo eSamaria, muʋone ɓope guru riri’po, nokumanikidzwa kuri mukati maro. Nokuti haʋaziʋi kuita ɀakarurama — ndiɀo ɀinotaura Jehova — iʋo ʋanoʋuŋganidza kumanikidza nokupamba mudzimba dzaʋo dzoʋushe.
Amosi 3:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)