Amosi 2:4
Amosi 2:4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakaramba murayiro waJehovha uye havana kuchengeta mitemo yake, nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema, vamwari vakateverwa namadzitateguru avo
Amosi 2:4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murayiro waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo.
Amosi 2:4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yokwaJudha kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga; nokuti vakaramba mutemo waTENZI vakarega kuchengeta mirao yake. Asi zvifananidzo zvavo zvenhema zvokunamata izvi, zvaitevedzwa namadzibaba avo, zvakavarasisa.
Amosi 2:4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Juda ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakaramba murairo waJehova, ʋakasaceŋgeta mitemo yake, ʋakarashiswa nenhema dzaʋo dzakateʋerwa namadziɓaɓa aʋo.
Amosi 2:4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)