Amosi 2:1-3
Amosi 2:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akapisa, kuita madota, mapfupa amambo weEdhomu. Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu uchaparadza nhare dzeKerioti. Moabhu achawira pasi mubope guru pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda. Ndichaparadza mutongi wake uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Amosi 2:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Moabhi vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota. Asi ndichatuma moto kuvaMoabhi, uchapedza dzimba dzoushe dzeKerioti; Moabhi vachafa nebope nokudanidzira uye nokurira kwehwamanda; ndichaparadza vatongi pakati pavo; nokuuraya machinda avo ose pamwechete navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Amosi 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kwenyika yeMoabhu kutosvika zvayo runa, handimborega kuiranga nokuti vakapisa zvokurotesa mapfupa amambo wokuEdhomu. Nokudaro ndichatumira moto panyika yeMoabhu ugozhirimisa nhare dzeguta reKerioti dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. VaMoabhu vachafira mukati mebongozozo iroro muruzha imomo, mabhosvo achirira. Ndichapfuudza mutongi wacho mukati maro ndigouraya machinda ose omo,” ndizvo zviri kutaura TENZI.
Amosi 2:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Moabi ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakapisa mafupa amambo waEdomi kuȿikira aita maɗota. Asi ndicatuma mŋoto kuʋaMoabi, ucapedza dzimba dzoʋushe dzeKerioti; Moabi ʋacafa neɓope nokuɗanidzira ʋuye nokurira kwehwamanda; ndicaparadza ʋatoŋgi pakati paʋo, nokuʋuraya macinda aʋo ose pamŋe cete naʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Amosi 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)