Amosi 1:6-8 - Compare All Versions
Amosi 1:6-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zveGaza, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakatapa rudzi rwose uye vakavatengesa kuEdhomu, ndichatuma moto pamusoro pamasvingo eGaza uchaparadza nhare dzake. Ndichaparadza mambo weAshidhodhi uye nouyo akabata tsvimbo youshe muAshikeroni. Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndirwise Ekironi kusvikira vaFiristia vose vapera kufa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Amosi 1:6-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Gaza vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwazvo; nokuti vakatapa rudzi rwose, kundovaisa kuna Edhomu. Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza dzimba dzaro dzoushe. Ndichaparadza vagere Ashidhodhi noakabata tsvimbo youshe paAshikeroni; ndichatambanudzira ruoko rwangu kurwa naEkironi; vakasara vavaFirisitia vachaparadzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Amosi 1:6-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvanzi naTENZI, “Pamusana pokutadza rutatu rutatu kweguta reGaza kutosvika zvaro runa, handimborega kuriranga nokuti vakatapa vanhu rudzi rwose zvarwo rwavanhu vakaenda narwo kundovati kuche mumaoko eEdhomu. Saka iniwo ndichatumira moto kurusvingo rweGaza, ucharoromesa nzvimbo dzaro dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Ndichatsakatisa vagari veAshidhodhi naiye ane umambo kuAshikeroni. Nesimba roruoko rwangu, ndicharanga guta reEkironi, marimbirimbi akasara avaFirisitia achaparara,” ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari.
Amosi 1:6-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀanzi naJehova: Nemhaka yokuti Gaza ʋakaɗarika katatu, ɀimŋe kanna, handiŋgadzori kurobga kwaʋo; nokuti ʋakatapa rudzi rwose, kundoʋaisa kunaEdomi. Asi ndicatuma mŋoto kuruȿiŋgo rweGaza, ucapedza dzimba dzaro dzoʋushe. Ndicaparadza ʋagere Ashdodi nowakaɓata tȿimbo yoʋushe paAshkeroni; ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kurwa naEkroni; ʋakasara ʋaʋaFiristia ʋacaparadzwa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Amosi 1:6-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)