Amosi 1:1-2
Amosi 1:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mashoko aAmosi, waiʋa mumŋe waʋafudzi ʋeTekoa, aakaʋona pamsoro paIsraeri namazuʋa aUzia mambo waJuda, ʋuye namazuʋa aJeroboami mŋanakomana waJoashi mambo waIsraeri, makore maʋiri acigere okuȿika kwokuɗeŋgenyeka kwenyika. Akati: Jehova ucaʋomba ari paZioni, ucanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; mafuro aʋafudzi acacema, musoro weKarmeri ucawoma.
Amosi 1:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri. Akati: “Jehovha anoomba ari paZioni uye anotinhira ari paJerusarema; mafuro avafudzi anooma, pamusoro peKarimeri panosvava.”
Amosi 1:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere okusvika kwokudengenyeka kwenyika. Akati, “Jehovha uchaomba ari paZioni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma.”
Amosi 1:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Aya ndiwo mazwi okusuma aAmosi mumwe wavafudzi vokuTekowa, chaiva chiri chioneso chaitaura nezveIsiraeri. Izvozvo maive muri munguva yaUziya mambo wokwaJudha, uyewo muri munguva yaJerobhoamu, mwanakomana waJoashi mambo wokwaIsiraeri makore maviri kundengendeka kwapasi kusati kwaitika. Akati, “TENZI ari kudzvova ari kuZioni, ari kudaidzira ari kuJerusaremu mafuro avafudzi ari kuchema mvura, pamusoro pegomo reKarimero paomerwa.”
Amosi 1:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mashoko aAmosi, waiʋa mumŋe waʋafudzi ʋeTekoa, aakaʋona pamsoro paIsraeri namazuʋa aUzia mambo waJuda, ʋuye namazuʋa aJeroboami mŋanakomana waJoashi mambo waIsraeri, makore maʋiri acigere okuȿika kwokuɗeŋgenyeka kwenyika. Akati: Jehova ucaʋomba ari paZioni, ucanzwisa inzwi rake ari paJerusarema; mafuro aʋafudzi acacema, musoro weKarmeri ucawoma.
Amosi 1:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)