Mabasa 9:8 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 9:8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sauro akasimuka, asi akati achisvinudza meso ake haana kugona kuona chinhu. Saka vakamubata ruoko vakamutungamirira kupinda muDhamasiko.
Mabasa 9:8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Sauro akasimuka; asi achisvinudza meso ake, haana kuona chinhu; vakamubata ruoko, vakaenda naye Dhamasiko.
Mabasa 9:8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Sauro akasimuka pasi; asi aciȿinudza meso ake, haana‐kuʋona cinhu; ʋakamuɓata ruʋoko, ʋakaenda naye Damasko.
Mabasa 9:8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akasimuka akazarura maziso ake asi hapana chaaikwanisa kuona. Naizvozvo vakatoita zvokumubata ruoko vachimutungamirira. Vakaenda naye muDhamasikusi.
Mabasa 9:8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Sauro akasimuka akazarura maziso ake asi hapana chaaikwanisa kuona. Naizvozvo vakatoita zvokumubata ruoko vachimutungamirira. Vakaenda naye muDhamasikusi.