Svetukira kuzviri mukati

Mabasa 9:40 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mabasa 9:40 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Petro akavabudisa vose mumba; ipapo akapfugama namabvi ake akanyengetera. Akatendeukira kumukadzi akanga afa akati, “Tabhita, muka.” Iye akasvinura meso ake, uye akati aona Petro, akamuka akagara.

Mabasa 9 BDSC

Mabasa 9:40 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Petirosi akavabudisira panze vose, akapfugama, akanyengetera, ndokutendeukira kumutumbi, akati, “Tabhita, muka!” Akasvinura meso ake; zvino akati achiona Petirosi, akagara.

Mabasa 9 SNA2002

Mabasa 9:40 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Petro akaʋaɓuɗisira panze ʋose, akafugama, akanyeŋgetera, ndokutendeʋukira kumutumbu, akati: Tabita, muka! Akaȿinura meso ake; ɀino wakati aciʋona Petro, akagara.

Mabasa 9 SUB1949

Mabasa 9:40 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Pita akavaburitsa kunze vose akapfugama achinamata. Akatendeukira kuchitunha akati, “Tabhita muka.” Tabhita akabva asvinura. Paakaona Pita, akamuka akaita zvokugara.

Mabasa 9 SCLB

Mabasa 9:40 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Pita akavaburitsa kunze vose akapfugama achinamata. Akatendeukira kuchitunha akati, “Tabhita muka.” Tabhita akabva asvinura. Paakaona Pita, akamuka akaita zvokugara.

Mabasa 9 SCLBD