Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 9:36-42 - Compare All Versions

Mabasa 9:36-42 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

MuJopa maiva nomudzidzi ainzi Tabhita (kana zvichishandurwa, Dhokasi), aiita zvakanaka nguva dzose uye achibatsira varombo. Panguva inenge iyoyo akatanga kurwara ndokubva afa, mutumbi wake ukashambidzwa uye ukaiswa muimba yapamusoro. Ridha yakanga iri pedyo neJopa; saka vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro akanga ari muRidha, vakatuma varume vaviri kwaari kuti vandomukumbira vachiti, “Tapota, uyai nokukurumidza!” Petro akaenda navo, uye akati asvika, vakamutora vakaenda naye muimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira dzakamupoteredza, dzichichema dzichimuratidza majasi nedzimwe nguo dzakanga dzaitwa naDhokasi panguva yaakanga achinavo. Petro akavabudisa vose mumba; ipapo akapfugama namabvi ake akanyengetera. Akatendeukira kumukadzi akanga afa akati, “Tabhita, muka.” Iye akasvinura meso ake, uye akati aona Petro, akamuka akagara. Akamubata noruoko akamubatsira kuti amire netsoka dzake. Ipapo akadana vatendi nechirikadzi ndokubva amupa kwavari ari mupenyu. Izvi zvakazivikanwa muJopa yose, uye vanhu vazhinji vakatenda kuna She.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 9 BDSC

Mabasa 9:36-42 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino paJopa pakanga pano mukadzi aiva mudzidzi, ainzi Tabhita, ndokuti, Dhokasi, kana zvichishandurwa. Iye aishingaira zvikuru pamabasa akanaka ezvipo. Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro. Zvino Ridha zvayakanga iri pedyo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petirosi aripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Usanonoka hako kuuya kwatiri.” Ipapo Petirosi akasimuka, akaenda navo. Akati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro; chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokufuka nenguo, dzavakanga vaitirwa naDhokasi, achiri navo. Zvino Petirosi akavabudisira panze vose, akapfugama, akanyengetera, ndokutendeukira kumutumbi, akati, “Tabhita, muka!” Akasvinura meso ake; zvino akati achiona Petirosi, akagara. Akamubata noruoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu. Zvikazikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kuna Ishe.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 9 SNA2002

Mabasa 9:36-42 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino paJopa pakaŋga panomukadzi waiʋa mudzidzi, wainzi Tabita, ndokuti Dorkasi, kana ɀicishandurwa. Iye waishiŋgaira ɀikuru pamaɓasa akanaka neɀipo. Ɀino namazuʋa iwayo iye akarwara, ndokufa. Ʋakati ʋamushambidza, ʋakamuisa muimba yokumsoro. Ɀino Rida ɀawakaŋga uri pedyo neJopa, ʋadzidzi ʋakati ʋanzwa kuti Petro uri’po, ʋakatumira kwaari ʋanhu ʋaʋiri, kuti ʋandokumbira ɀikuru kwaari, ʋaciti: Usanonoka hako kuʋuya kwatiri. Ipapo Petro akasimuka, akaenda naʋo. Wakati aȿika, ʋakamuisa kuimba yokumsoro; cirikadzi dzose dzikamira naye dzicicema, ʋakamuratidza ɀokufuka neŋguʋo, dzaʋakaŋga ʋaitirwa naDorkasi, aciri naʋo. Ɀino Petro akaʋaɓuɗisira panze ʋose, akafugama, akanyeŋgetera, ndokutendeʋukira kumutumbu, akati: Tabita, muka! Akaȿinura meso ake; ɀino wakati aciʋona Petro, akagara. Akamuɓata noruʋoko rwake, akamusimudza; akaɗana ʋatȿene necirikadzi, akamuisa pamberi paʋo ari mupenyu. Ɀikazikanwa naʋose paJopa; ʋazhinji ʋakatenda kunaShe.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 9 SUB1949

Mabasa 9:36-42 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

KuJopa ikoko kwaiva nomudzimai ainzi Tabhita, zvinoreva kuti Dhokasi, akanga azere namabasa akanaka namabasa etsitsi. Pamazuva iwayo akarwara akafa. Pavakanga vamushambidza vakandomurarisa muimba yapamusoro. Zvino Ridha zvayaiva pedyo neJopa, vadzidzi pavakanzwa kuti Pita ariko vakatuma varume vaviri kwaari kundomukumbira vachiti, “Uyai kwatiri nokukasira.” Naizvozvo Pita akasimuka akaenda navo. Paakasvika, vakaenda naye kuimba yapamusoro. Chirikadzi dzose dzakamira paari dzichichema dzichiratidza mabhachi nehanzu dzakasonwa naDhokasi achinavo. Pita akavaburitsa kunze vose akapfugama achinamata. Akatendeukira kuchitunha akati, “Tabhita muka.” Tabhita akabva asvinura. Paakaona Pita, akamuka akaita zvokugara. Pita akamutambanudzira ruoko akabva amusimudza ndokudaidza vanamati nechirikadzi akamupa kwavari ava mupenyu. Zvakazivikanwa muJopa yose, vanhu vazhinji vakadavira muna Tenzi.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 9 SCLB

Mabasa 9:36-42 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mabasa 9 SCLBD