Mabasa 9:2 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 9:2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akandomukumbira matsamba kuti agoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake ari weNzira iyo, vangava varume kana vakadzi, aizovabata savasungwa agoenda navo kuJerusarema.
Mabasa 9:2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, auye navo Jerusaremu vakasungwa.
Mabasa 9:2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Damasko kumasinagoge, kuti kana awana ʋamŋe ʋaiʋa ʋeNzira iyo, ʋarume kana ʋakadzi, aʋuye naʋo Jerusarema ʋakasuŋgwa.
Mabasa 9:2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akamukumbira matsamba akanyorerwa masinagogu okuDhamasikusi okuti kana akawana ani naani zvake anotevera nzira iyi, vangave varume kana vakadzi, auye navo kuJerusaremu vakasungwa.
Mabasa 9:2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
akamukumbira matsamba akanyorerwa masinagogu okuDhamasikusi okuti kana akawana ani naani zvake anotevera nzira iyi, vangave varume kana vakadzi, auye navo kuJerusaremu vakasungwa.