Mabasa 9:17-19
Mabasa 9:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Ananiasi akaenda kuimba iyi akasvikopindamo. Akaisa maoko ake pamusoro paSauro akati, “Muzvarwa Sauro, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri pamugwagwa pawakanga uchiuya kuno, andituma kuti iwe uonezve uye uzadzwe noMweya Mutsvene.” Pakarepo, zvinhu zvakaita samakwati zvakabva pameso aSauro, akagona kuonazve. Akasimuka akabhabhatidzwa, uye shure kwokunge adya zvokudya, akavazve nesimba. Sauro akagara navadzidzi paDhamasiko kwamazuva mazhinji.
Mabasa 9:17-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maoko ake pamusoro pake, akati, “Sauro, hama, Ishe Jesu, akazviratidza kwauri munzira yawakauya nayo, akandituma, kuti uonezve, uzadzwe naMweya Mutsvene.” Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akaonazve; akasimuka, ndokubhabhatidzwa; akadya zvokudya, ndokusimbiswa. Akagara navadzidzi paDhamasiko mamwe mazuva.
Mabasa 9:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo Ananiya akaenda akasvikopinda muimba iyoyo. Akaisa maoko ake paari akati, “Hama Sauro, Tenzi Jesu akazvionesa panzira yawaiuya nayo andituma kuti ukwanise kuonazve uye kuti uzadzwe naMweya naMutsvene.” Pakarepo zvimwe zvinenge maranga zvakadonha mumaziso ake, akagona kuonazve. Akasimuka akaombekwa. Akadya akabva asimba. Sauro akagara navadzidzi kuDhamasikusi kwamazuva mazhinji.
Mabasa 9:17-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maʋoko ake pamsoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakaɀiratidza kwauri munzira yawakaʋuya nayo, wakandituma, kuti uʋone ɀe, uzadzwe noMŋeya Mutȿene. Pakarepo pameso ake pakabva ɀinhu ɀineŋge mafunhurwa, akaʋona ɀe; akasimuka, ndokubapatidzwa; akadya ɀokudya, ndokusimbiswa. Akagara naʋadzidzi paDamasko mamŋe mazuʋa.
Mabasa 9:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)