Mabasa 9:1-6
Mabasa 9:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvichakadaro Sauro akanga ari mubishi rokutaura zvokuuraya vadzidzi vaShe. Akaenda kumuprista mukuru akandomukumbira matsamba kuti agoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake ari weNzira iyo, vangava varume kana vakadzi, aizovabata savasungwa agoenda navo kuJerusarema. Akati oswedera kuDhamasiko ari parwendo rwake, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikamupenyera kumativi ose. Akawira pasi akanzwa inzwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” Sauro akabvunza akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Iye akapindura akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza. Zvino simuka uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.”
Mabasa 9:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi vaIshe, akaenda kumupristi mukuru, akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, auye navo Jerusaremu vakasungwa. Zvino akati ari parwendo, oswedera pedyo neDhamasiko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose, akawira pasi, akanzwa izwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” Iye akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Akati, “Ndini Jesu waunotambudza; zvinokuremera kupfura zvibayiso.” Iye achidedera nokutya, akati, “Ishe, munoda kuti ndiiteiko?” Ishe akati kwaari, “Simuka, uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.”
Mabasa 9:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapowo Sauro akanga ari moto moto kutyisidzira nokuuraya vadzidzi vaTenzi. Akaenda kumupristi mukuru, akamukumbira matsamba akanyorerwa masinagogu okuDhamasikusi okuti kana akawana ani naani zvake anotevera nzira iyi, vangave varume kana vakadzi, auye navo kuJerusaremu vakasungwa. Zvino zvaaifamba; avakusvika kuDhamasikusi chiedza chakabva kudenga chikayerekana chamupenyera. Akabva aputsikira pasi. Akanzwa izwi richitaura kwaari richiti, “Sauro, Sauro uri kunditambudzireiko?” Iye akati, “Ko ndimi aniko Tenzi?” Iye akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza. Asi chisimuka upinde muguta. Uchataurirwa zvaunofanira kuita.”
Mabasa 9:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Sauro aciŋgoraŋgarira kutyisa nokuʋuraya ʋadzidzi ʋaShe, wakaenda kumuprista mukuru, akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Damasko kumasinagoge, kuti kana awana ʋamŋe ʋaiʋa ʋeNzira iyo, ʋarume kana ʋakadzi, aʋuye naʋo Jerusarema ʋakasuŋgwa. Ɀino wakati ari parwendo, osweɗera pedyo neDamasko, kamŋe‐kamŋe ciedza cakabva kuɗeŋga cikamupenyera pamatiʋi ose, akawira pasi, akanzwa inzwi riciti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; [ɀinokuremera kupfura ɀiɓayiso. Iye aciɗeɗera nokutya, akati: Ishe, munoɗa kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, ucandoʋudzwa ɀaunofanira kuita.
Mabasa 9:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)