Mabasa 9:1-15
Mabasa 9:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvichakadaro Sauro akanga ari mubishi rokutaura zvokuuraya vadzidzi vaShe. Akaenda kumuprista mukuru akandomukumbira matsamba kuti agoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake ari weNzira iyo, vangava varume kana vakadzi, aizovabata savasungwa agoenda navo kuJerusarema. Akati oswedera kuDhamasiko ari parwendo rwake, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikamupenyera kumativi ose. Akawira pasi akanzwa inzwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” Sauro akabvunza akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Iye akapindura akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza. Zvino simuka uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.” Varume vaifamba naSauro vakamira vakashaya chokutaura; vakanzwa inzwi asi havana kuona kana munhu. Sauro akasimuka, asi akati achisvinudza meso ake haana kugona kuona chinhu. Saka vakamubata ruoko vakamutungamirira kupinda muDhamasiko. Akava bofu kwamazuva matatu, uye akanga asingadyi kana kunwa kana chinhu. MuDhamasiko makanga muno mudzidzi ainzi Ananiasi. Ishe akati kwaari muchiratidzo, “Ananiasi!” Iye akapindura akati, “Ndiri pano Ishe.” Ishe akati kwaari, “Enda kumba kwaJudhasi panzira inonzi Nzira Yakarurama undobvunza murume anonzi Sauro anobva kuTasasi, nokuti ari kunyengetera. Akaona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achiuya kwaari akaisa maoko ake pamusoro pake kuti aonezve.” Ananiasi akapindura akati, “Ishe, ndakanzwa mashoko akawanda pamusoro pomurume uyu, uye nezvakaipa zvose zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema. Uye akauya kuno nemvumo yakabva kuvaprista vakuru yokuti asunge vose vanodana kuzita renyu.” Asi Ishe akati kuna Ananiasi, “Enda! Murume uyu mudziyo wangu wandakasanangura kuti aende nezita rangu pamberi pevedzimwe ndudzi napamberi pamadzimambo avo uye napamberi paIsraeri.
Mabasa 9:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi vaIshe, akaenda kumupristi mukuru, akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamasiko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, auye navo Jerusaremu vakasungwa. Zvino akati ari parwendo, oswedera pedyo neDhamasiko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose, akawira pasi, akanzwa izwi richiti kwaari, “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?” Iye akati, “Ndimi aniko, Ishe?” Akati, “Ndini Jesu waunotambudza; zvinokuremera kupfura zvibayiso.” Iye achidedera nokutya, akati, “Ishe, munoda kuti ndiiteiko?” Ishe akati kwaari, “Simuka, uende muguta, uchandoudzwa zvaunofanira kuita.” Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa izwi, asi vasingaoni munhu. Zvino Sauro akasimuka; asi achisvinudza meso ake, haana kuona chinhu; vakamubata ruoko, vakaenda naye Dhamasiko. Akaita mazuva matatu, asingaoni, asingadyi, asinganwi chinhu. Zvino paDhamasiko pakanga pano mumwe mudzidzi, ainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa, “Ananiasi!” Iye akati, “Ndiri pano Ishe!” Ishe akati kwaari, “Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu anonzi Sauro weTaso; nokuti tarira, anonyengetera; naiye akaona murume, anonzi Ananiasi achipinda, achiisa maoko ake pamusoro pake, kuti aonezve.” Zvino Ananiasi akapindura, akati, “Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti akaitira vatsvene venyu paJerusaremu zvakaipa zvizhinji; napano ane simba raakapiwa navapristi vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.” Asi Ishe akati kwaari, “Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsiraeri
Mabasa 9:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapowo Sauro akanga ari moto moto kutyisidzira nokuuraya vadzidzi vaTenzi. Akaenda kumupristi mukuru, akamukumbira matsamba akanyorerwa masinagogu okuDhamasikusi okuti kana akawana ani naani zvake anotevera nzira iyi, vangave varume kana vakadzi, auye navo kuJerusaremu vakasungwa. Zvino zvaaifamba; avakusvika kuDhamasikusi chiedza chakabva kudenga chikayerekana chamupenyera. Akabva aputsikira pasi. Akanzwa izwi richitaura kwaari richiti, “Sauro, Sauro uri kunditambudzireiko?” Iye akati, “Ko ndimi aniko Tenzi?” Iye akati, “Ndini Jesu wauri kutambudza. Asi chisimuka upinde muguta. Uchataurirwa zvaunofanira kuita.” Varume vaaifamba navo zvakavashaisa romuromo. Vainzwa izvi asi pasina wavari kuona. Sauro akasimuka akazarura maziso ake asi hapana chaaikwanisa kuona. Naizvozvo vakatoita zvokumubata ruoko vachimutungamirira. Vakaenda naye muDhamasikusi. Akaita mazuva matatu asingaoni asingadyi kana kunwa. Imomo muDhamasikusi maiva nomudzidzi ainzi Ananiya. Tenzi akati kwaari, muchiratidzo, “Ananiya,” iye akati, “Ndiri pano Tenzi.” Tenzi akati kwaari, “Simuka uende kumugwagwa unonzi Sitireti ubvunze pamba paJudhasi mumwe murume wokuTasusi anonzi Sauro. Izvozvi ari kutonamata uye aoneswa murume anonzi Ananiya achiuya achizoisa maoko ake paari kuti akwanise kuonazve.” Asi Ananiya akapindura achiti, “Tenzi ndakanzwa navazhinji nezvomurume uyu kuti zvakawanda sei zvakaipa zvaakaita kuvatsvene venyu kuJerusaremu. Iko kuno ane simba rinobva kuvapristi vakuru kuti asunge vose vanodaidza zita renyu.” Asi Tenzi akati kwaari, “Enda zvako nokuti iye mudziyo wangu wokutakura zita rangu pamberi pevechirudzi napamberi pamadzimambo napamberi pavaIsiraeri
Mabasa 9:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Sauro aciŋgoraŋgarira kutyisa nokuʋuraya ʋadzidzi ʋaShe, wakaenda kumuprista mukuru, akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Damasko kumasinagoge, kuti kana awana ʋamŋe ʋaiʋa ʋeNzira iyo, ʋarume kana ʋakadzi, aʋuye naʋo Jerusarema ʋakasuŋgwa. Ɀino wakati ari parwendo, osweɗera pedyo neDamasko, kamŋe‐kamŋe ciedza cakabva kuɗeŋga cikamupenyera pamatiʋi ose, akawira pasi, akanzwa inzwi riciti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; [ɀinokuremera kupfura ɀiɓayiso. Iye aciɗeɗera nokutya, akati: Ishe, munoɗa kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, ucandoʋudzwa ɀaunofanira kuita. Ʋarume ʋaiʋa parwendo naye, ʋakamira ʋanyerere, ʋacinzwa inzwi, asi ʋasiŋgaʋoni munhu. Ɀino Sauro akasimuka pasi; asi aciȿinudza meso ake, haana‐kuʋona cinhu; ʋakamuɓata ruʋoko, ʋakaenda naye Damasko. Akaita mazuʋa matatu, asiŋgaʋoni, asiŋgadyi, asiŋganwi cinhu. Ɀino paDamasko pakaŋga panomumŋe mudzidzi, wainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari neɀaakaratidzwa: Ananiasi! Iye akati: Ndiri pano Ishe! Ishe akati kwaari: Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudasi, munhu unonzi Sauro weTarso; nokuti tarira, unonyeŋgetera; naiye wakaʋona murume, unonzi Ananiasi acipinda, aciisa maʋoko ake pamsoro pake, kuti aʋone ɀe. Ɀino Ananiasi akapindura, akati: Ishe, ndakanzwa naʋanhu ʋazhinji ɀomunhu uyu, kuti wakaitira ʋatȿene ʋenyu paJerusarema ɀakaipa ɀizhinji; napano unesimba raakapiwa naʋaprista ʋakuru, kuti asuŋge ʋose ʋanonamata nezita renyu. Asi Ishe akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanaŋgurwa neni, kuti aende nezita raŋgu kuʋahedeni, namadzimambo, nokuʋana ʋaIsraeri
Mabasa 9:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)