Mabasa 8:29-31
Mabasa 8:29-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mweya Mutsvene akati kuna Firipi, “Enda kungoro iyo, uswedere pedyo nayo.” Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murume uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?” Iye akati, “Ndinganzwisisa seiko kana pasina munhu anonditsanangurira?” Saka akadana Firipi kuti akwire mungoro agare nayemo.
Mabasa 8:29-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mweya akati kuna Firipi, “Swedera, urambire pangoro iyo.” Firipi akamhanyirako, akumunzwa achirava muporofita Isaya, akati, “Unonzwisisa zvaunorava here?” Iye akati, “Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri?” Akakumbira zvikuru kuna Firipi kuti akwire, agare naye.
Mabasa 8:29-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mweya akati kuna Firipi, “Enda undobatana nengoro iyo.” Firipi akamhanyira kwaari akamunzwa achiverenga Isaya muporofita. Akabvunza kuti, “Muri kunzwisisa here zvamuri kuverenga.” Iye akati, “Ndingagonzwisisa sei kusatoti mumwe anditsanangurira.” Akakumbirisa Firipi kuti akwire agare naye.
Mabasa 8:29-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋeya akati kunaFiripo: Sweɗera, urambire paŋgoro iyo. Firipo akamhanyira’ko, akamunzwa aciraʋa muprofita Isaya, akati: Unonzwisisa ɀaunoraʋa here? Iye akati: Ndiŋgagona seiko, kana mumŋe asiŋgandiɗudziri? Akakumbira ɀikuru kunaFiripo kuti akwire, agare naye.
Mabasa 8:29-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)