Mabasa 8:27 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 8:27 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akasimuka akapinda munzira uye akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema
Mabasa 8:27 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kuno murume weItiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weItiopia, aichengeta pfuma yake yose, akanga auya Jerusaremu kuzonamata
Mabasa 8:27 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Akasimuka, akaenda; ɀino kwakaŋga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwaɀo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waiceŋgeta fuma yake yose, wakaŋga aʋuya Jerusarema kuzonamata
Mabasa 8:27 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata.
Mabasa 8:27 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Akasimuka akaenda. Hoyo muEtiopia muyuniki aiva gurukota raKandasi mambokadzi wavaEtiopia aiva mukuru mukuru wezvoupfumi hwake hwose, akanga auya kuJerusaremu kuzonamata.