Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 8:1 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mabasa 8:1 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yepaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria, kukasara vapostori chete.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 8 BDSC

Mabasa 8:1 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Sauro akanga achitenda kuurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusaremu yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhea neSamaria, vakasara vapostori bedzi.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 8 SNA2002

Mabasa 8:1 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Sauro wakaŋga acitenda kuʋurawa kwake. Ɀino neŋguʋa iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa ɀikuru, ʋakaparadzirwa ʋose kunyika yeJudea neSamaria, ʋakasara ʋaapostora ɓedzi.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 8 SUB1949

Mabasa 8:1 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Sauro akabvumirana nezvokuuraiwa kwake. Musi iwoyo kutambudzwa kukuru kwesangano kwakamuka muJerusaremu. Vose, kusiya vapositori chete, vakapararira nenyika yeJudhea neSamaria.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 8 SCLB

Mabasa 8:1 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Sauro akabvumirana nezvokuuraiwa kwake. Musi iwoyo kutambudzwa kukuru kwesangano kwakamuka muJerusaremu. Vose, kusiya vapositori chete, vakapararira nenyika yeJudhea neSamaria.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 8 SCLBD