Mabasa 6:11-14
Mabasa 6:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vakakurudzira vamwe varume muchivande kuti vati, “Tanzwa Sitefani achitaura mashoko okumhura Mozisi naMwari.” Nokudaro vakamutsa mwoyo yavanhu navakuru uye navadzidzisi vomurayiro. Vakabata Sitefani vakamuuyisa pamberi peDare Guru. Vakabudisa zvapupu zvenhema, zvikati, “Munhu uyu haamboregi kutaura zvakaipa pamusoro penzvimbo tsvene ino uye napamusoro pomurayiro. Nokuti takamunzwa achiti Jesu uyu weNazareta achaparadza nzvimbo ino uye agoshandura tsika dzatakapiwa naMozisi.”

Mabasa 6:11-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo vakamutsa varume, vaiti, “Takamunzwa achitaura mashoko anomhura Mosesi naMwari.” Vakakurudzira vanhu, navakuru, navanyori; vakamuwira, vakamubata, vakamuisa kumakurukota, vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti, “Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurayiro. “Nokuti takamunzwa achiti, ‘Uyu Jesu weNazareta achaparadza nzvimbo iyi nokusandura tsika dzatakapiwa naMosesi.’ ”
Mabasa 6:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakasoka vamwe varume kuti vati, “Takamunzwa achitaura manzwi okushonha Mosesi naMwari.” Vakapinza mweya wokupanduka mukati mavanhu nomukati mavakuru vakuru nomuvanyori vakaenda kwaari vakamubata vakamuunza kudare. Vakamuisira zvapupu zvenhema vakati: “Munhu uyu haambomira kutaura mashoko ukushora nzvimbo ino tsvene uye kushora Mutemo, nokuti takamunzwa achiti, ‘Jesu uyu weNazareti achaparadza nzvimbo iyi uye achasandura tsika dzatakagamuchira kuna Mosesi.’ ”
Mabasa 6:11-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ʋakamutsa ʋarume, ʋaiti: Takamunzwa acitaura mashoko anomhura Mosesi naMŋari. Ʋakakurudzira ʋanhu, naʋakuru, naʋanyori; ʋakamuwira, ʋakamuɓata, ʋakamuisa kumakurukota, ʋakaisa’po ɀapupu ɀenhema, ɀaiti: Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tȿene nomurairo. Nokuti takamunzwa aciti: Uyu Jesu weNazareta ucaparadza nɀimbo iyi nokushandura tsika dzatakapiwa naMosesi.
Mabasa 6:11-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)