Mabasa 6:1-4
Mabasa 6:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagununʼuna pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose. Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura. Hama, sarudzai varume vanomwe pakati penyu vanozivikanwa kuti vakazadzwa noMweya nouchenjeri. Isu tichaisa basa iri kwavari, uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.”
Mabasa 6:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino namazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura chiGiriki, vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe. Zvino vane gumi navaviri vakadana vadzidzi vazhinji, vakati, “Hakuzakafanira kuti isu tirege kuparidza shoko raMwari, tishumire pamatafura. Zvino hama dzangu, tsanangurai pakati penyu varume vanomwe, vanopupurirwa zvakanaka, vazere naMweya nouchenjeri, vatingaisa pabasa iri. Asi isu tichatsungirira pakunyengetera napabasa rokuparidza shoko.”
Mabasa 6:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamazuva iwayo vadzidzi pavakanga vava kuwanda vechiGiriki vakanyunyutira vechiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikirwa pakugoverwa kwamazuva ose. Vane gumi navaviri vakaunganidza gungano ravadzidzi vakati, “Hazvina kunaka kuti tirege kuparidza shoko raMwari tichipa zvokudya. Naizvozvo hama dzangu sarudzai pakati penyu varume vanomwe vane zita rakanaka vazere naMweya noungwaru vatinogona kupa basa iri. Asi isu tozvipira kubasa rokunamata nokuva vashandiri veShoko.”
Mabasa 6:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino namazuʋa iwayo, ʋadzidzi ʋaciwanda, ʋaJuda, ʋaitaura ciGiriki, ʋakanyunyutira ʋaHeberu, nokuti cirikadzi dzaʋo dzaiɗarikwa pakugoʋerwa kwomusi mumŋe nomumŋe. Ɀino ʋanegumi naʋaʋiri ʋakaɗana ʋadzidzi ʋazhinji, ʋakati: Hakuzakafanira kuti isu tirege shoko raMŋari, tishumire pamatafura. Ɀino hama dzaŋgu, sanaŋgurai pakati penyu ʋarume ʋanomŋe, ʋanopupurirwa ɀakanaka, ʋazere noMŋeya noʋucenjeri, ʋatiŋgaisa paɓasa iri. Asi isu ticatsuŋgirira pakunyeŋgetera napaɓasa reshoko.
Mabasa 6:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)