Mabasa 5:38-39
Mabasa 5:38-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinoti kwamuri, musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa. Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwariwo.”
Mabasa 5:38-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, panyaya iyi ndinokurayirai kuti: Regai vanhu ava vakadaro! Regai vaende! Nokuti kana kufunga kwavo kuri kwomunhu, kuchaguma. Asi kana kuchibva kuna Mwari, hamungagoni kukonesa vanhu ava; muchazoona kuti muri kurwa naMwari.”
Mabasa 5:38-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndinoti kwamuri, musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa. Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwariwo.”
Mabasa 5:38-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pane zvanhasi izvi, ndinoti kwamuri, siyanai navanhu ava, varegei. Kana urongwa uhu nezvavari kuita zviri zvavanhu zvichakundikana asi kana zviri zvaMwari hamumbokwanisa kuvaparadza. Pamwe mungatowanikwa mavakurwisana naMwari.”
Mabasa 5:38-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndinoti kwamuri: Musaɓata ʋanhu aʋa, muʋarege, nokuti kana kufuŋga uku neɓasa iri ɀiri ɀaʋanhu, ɀicaparadzwa. Asi kana ɀiri ɀaMŋari, hamuŋgagoni kuɀiparadza; kuti ɀimŋe muŋgaɗai mucirwa naMŋari ʋo.
Mabasa 5:38-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)