Mabasa 5:34 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 5:34 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, uyo aikudzwa navanhu vose, akasimuka pakati pedare akarayira kuti vanhu vambobudiswa panze kwechinguvana.
Mabasa 5:34 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mumwe muFarisi, ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, aikudzwa navanhu vose, akasimuka pamakurukota, akarayira kuti vanhu vabudiswe chinguva chiduku
Mabasa 5:34 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo mumŋe muFarise, wainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, waikudzwa naʋanhu ʋose, akasimuka pamakurukota, akaraira kuti ʋanhu ʋaɓuɗiswe ciŋguʋa ciɗuku
Mabasa 5:34 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mumwe muFarisei, nhengo yedare ainzi Gamarieri, mudzidzisi womutemo airemekedzwa navanhu vose, akasimuka akati ngavamboburitswa panze.
Mabasa 5:34 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Asi mumwe muFarisei, nhengo yedare ainzi Gamarieri, mudzidzisi womutemo airemekedzwa navanhu vose, akasimuka akati ngavamboburitswa panze.