Svetukira kuzviri mukati

Mabasa 5:15 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mabasa 5:15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro uwire pane vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari.

Mabasa 5 BDSC

Mabasa 5:15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokudaro vakatakurira varwere munzira dzomumusha, vakavaradzika pamibhedha napanhoo, kuti kana Petirosi achiswederapo, kunyange nomumvuri wake bedzi udzikatire mumwe wavo.

Mabasa 5 SNA2002

Mabasa 5:15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuɗaro ʋakatakurira ʋarwere munzira dzomumusha, ʋakaʋaradzika pamibeda napanhoʋo, kuti kana Petro acisweɗera’po, kunyaŋge nomumvuri wake ɓedzi udzikatire mumŋe waʋo.

Mabasa 5 SUB1949

Mabasa 5:15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

zvokuti vamwe vaitotakura varwere vachivaisa mumigwagwa vachivaradzika pamibhedha napahukwe kuti Pita paainge opfuura nepo kana mumvuri wake chaiwo ungopfuura napana vamwe vavo.

Mabasa 5 SCLB

Mabasa 5:15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

zvokuti vamwe vaitotakura varwere vachivaisa mumigwagwa vachivaradzika pamibhedha napahukwe kuti Pita paainge opfuura nepo kana mumvuri wake chaiwo ungopfuura napana vamwe vavo.

Mabasa 5 SCLBD