Mabasa 5:12-16 - Compare All Versions
Mabasa 5:12-16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni. Hakuna munhu akatsunga kubatana navo kunyange zvazvo vakanga vachikudzwa zvikuru navanhu. Zvisinei zvazvo, varume vazhinji navakadzi vakatenda kuna She uye vakawedzera uwandu. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro uwire pane vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari. Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa.
Mabasa 5:12-16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvikaitwa pakati pavanhu namaoko avapostori; vose vaiva nomwoyo mumwe pabiravira raSoromoni. Asi pakati pavamwe kwakanga kusina munhu akatsunga kuzviisa kwavari; asi vanhu vaivakudza. Vatendi vazhinji kwazvo, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kuna Ishe. Nokudaro vakatakurira varwere munzira dzomumusha, vakavaradzika pamibhedha napanhoo, kuti kana Petirosi achiswederapo, kunyange nomumvuri wake bedzi udzikatire mumwe wavo. Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusaremu vakaungana, vachiuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa.
Mabasa 5:12-16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakaitwa mukati mavanhu namaoko avapositori. Vaisanganira vose muBerere raSoromoni. Vamwe vanhu vose vaitya kubatana navo asi vanhu vaivaremekedza zvikuru. Asi vatendi vairamba vachingowedzerwa kuna Tenzi, varume navakadzi vazhinji zvokuti vamwe vaitotakura varwere vachivaisa mumigwagwa vachivaradzika pamibhedha napahukwe kuti Pita paainge opfuura nepo kana mumvuri wake chaiwo ungopfuura napana vamwe vavo. Vanhu vakaunganawo vachibva mumaguta akapoteredza Jerusaremu vachiuya navarwere vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa. Vose vakaporeswa.
Mabasa 5:12-16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀiratidzo neɀinoshamisa ɀizhinji ɀikaitwa pakati paʋanhu namaʋoko aʋaapostora; ʋose ʋaiʋa nomŋoyo mumŋe paɓiraʋira raSoromoni. Asi pakati paʋamŋe kwakaŋga kusinomunhu wakatsuŋga kuɀiisa kwaʋari; asi ʋanhu ʋaiʋakudza. Ʋatendi ʋazhinji kwaɀo, ʋarume naʋakadzi, ʋairamba ʋaciwedzerwa kunaShe. Nokuɗaro ʋakatakurira ʋarwere munzira dzomumusha, ʋakaʋaradzika pamibeda napanhoʋo, kuti kana Petro acisweɗera’po, kunyaŋge nomumvuri wake ɓedzi udzikatire mumŋe waʋo. Naʋazhinji ʋamaguta akapoteredza Jerusarema ʋakaʋuŋgana, ʋaciʋuya naʋarwere, naʋaitambudzika nemŋeya yetȿina, ʋakaporeswa.
Mabasa 5:12-16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)