Mabasa 4:23-24
Mabasa 4:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vasunungurwa, Petro naJohani vakadzokera kuvanhu vokwavo vakandovaudza zvose zvakanga zvarehwa navaprista vakuru navakuru. Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo.
Mabasa 4:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandovaudza zvose zvavakanga vaudzwa navapristi vakuru navakuru. Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kuna Mwari nomwoyo mumwe, vachiti, “Tenzi, ndimi makaita denga napasi, negungwa, nezvose, zviri mukati mazvo
Mabasa 4:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakaregedzwa vakaenda kushamwari dzavo vakavarondedzera zvavakanga vataurirwa navapristi navakuru vakuru. Pavakazvinzwa vakadaidzira pamwechete kuna Mwari vachiti, “Tenzi imi makasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo imi naMweya Mutsvene mukati
Mabasa 4:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋaregedzwa, ʋakaenda kunoʋokwaʋo, ʋakandoʋaʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa naʋaprista ʋakuru naʋakuru. Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakaɗana kunaMŋari nomŋoyo mumŋe, ʋaciti: Tenzi, ndimi makaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo
Mabasa 4:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)