Mabasa 4:13-22
Mabasa 4:13-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu. Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura. Saka vakavarayira kuti vabve paDare Guru, uye ivo vakasara vachitaurirana. Vakati, “Tichaita seiko navarume ava? Munhu wose anogara muJerusarema anoziva kuti vakaita chishamiso chikuru uye isu hatigoni kuzviramba. Asi kuti chinhu ichi chirege kuramba chichipararira pakati pavanhu, tinofanira kuyambira varume ava kuti varege kutaura kuna ani zvake muzita iri.” Ipapo vakavadanazve kuti vapinde ndokuvarayira kuti varege kutaura kana kutongodzidzisa muzita raJesu. Asi Petro naJohani vakapindura vakati, “Tongai henyu imi kana zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi kupfuura Mwari. Nokuti isu hatigoni kurega kutaura pamusoro pezvatakaona nezvatakanzwa.” Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavaranga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika. Nokuti murume akanga aporeswa nechishamiso akanga ana makore anodarika makumi mana.
Mabasa 4:13-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetirosi naJohani, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu. Vakaonawo munhu, akanga aporeswa, amire navo, vakashayiwa chavangapindura nacho. Zvino vakati vavarayira kuti vabude paungano, vakarangana pakati pavo, vachiti, “Vanhu ava tichavaita seiko? Nokuti vanhu vose vagere Jerusaremu vaona kwazvo kuti chiratidzo chaitwa navo; hatigoni kuramba isu. Asi ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti zvirege kuramba zvichaparadzirwa pakati pavanhu.” Vakavadana vakavarayira kuti varege chose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu. Asi Petirosi naJohani vakapindura, vakati kwaari, “Tongai henyu imi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuti titeerere imi kupfuura Mwari. Nokuti hatigoni kurega kutaura zvatakaona, nezvatakanzwa.” Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa; nokuti munhu akanga aitirwa chiratidzo ichi akanga ana makore makumi mana ane mirawudzo.
Mabasa 4:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakaona chivindi chaPita naJohani uye vachiona kuti vanhu vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakashamiswa. Vakazviona kuti vakambenge vaina Jesu. Asi zvavaiona munhu uya akanga aponeswa akamira padyo navo hapana chavakagona kutaura. Pavakavati vambobva mudare, vakakurukurirana vachiti, “Toita sei navanhu ava nokuti zvokuti chiratidzo chinonyatsoonekwa chaitwa nemavari zviri pachena kuna vagari vose vomuJerusaremu uye hatikwanisi kuzviramba. Asi kuti zvirege kupararira pakati pavanhu ngativayambirei kuti vasambotaurazve kuna ani nani zvake nezita irori.” Nezvo vakavadaidza vakavakomekedza kuti vasambotaura zvavo kana kudzidzisa zvako muzita raJesu. Asi Pita naJohani vakavapindura vachiti, “Chimbopafungaiwo zvenyu kuti zvingaite here, pamberi paMwari, kuteerera imi panokuteerera Mwari. Isu hatigoni kurega kutaura zvatakaona nezvatakanzwa.” Pavakawedzera kuvayambira vakavarega vachienda vashaya pokuvaranga napo pamusana pavanhu nokuti vanhu vose vairumbidza Mwari nezvakanga zvaitika. Chikonzero ndechokuti munhu akaitirwa chiratidzo ichi chokuponeswa akanga ava namakore anopfuura makumi mana.
Mabasa 4:13-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋaciʋona kusatya kwaPetro naJohane, ʋacinzwisisa kuti ʋaiʋa ʋanhu ʋasina‐kudzidza, ʋasiŋgaziʋi cinhu, ʋakashamiswa; ʋakaʋaziʋa kuti ʋaiʋa naJesu. Ʋakaʋona ʋo munhu, wakaŋga aporeswa, amire naʋo, ʋakashaiwa caʋaŋgapindura naco. Ɀino ʋakati ʋaʋaraira kuti ʋaɓuɗe paʋuŋgano, ʋakaraŋgana pakati paʋo, ʋaciti: Ʋanhu aʋa ticaʋaita seiko? Nokuti ʋanhu ʋose ʋagere Jerusarema ʋaʋona kwaɀo kuti ciratidzo caitwa naʋo; hatigoni kuramba isu. Asi ŋgatiʋanyeʋere kuti ʋarege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti ɀirege kuramba ɀiciparadzirwa pakati paʋanhu. Ʋakaʋaɗana, ʋakaʋaraira kuti ʋarege cose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu. Asi Petro naJohane ʋakapindura, ʋakati kwaʋari: Toŋgai henyu imi, kana ɀiŋgaʋa ɀakarurama pamberi paMŋari, kuti titerere imi kupfuʋura Mŋari. Nokuti hatigoni isu kurega kutaura ɀatakaʋona, neɀatakanzwa. Ɀino ʋakati ʋawedzera kuʋanyeʋera, ʋakaʋaregedza, ʋasiŋgawani mhoȿa yaʋaŋgaʋaroʋa nayo nokuɗa kwaʋanhu; nokuti ʋose ʋairumbidza Mŋari pamsoro peɀakaitwa; nokuti munhu wakaŋga aitirwa ciratidzo ici wakaŋga anamakore makumi manna anemiraʋudzo.
Mabasa 4:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)