Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 4:1-8 - Compare All Versions

Mabasa 4:1-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vaprista nomukuru wavarindi vetemberi navaSadhusi vakauya kuna Petro naJohani pavakanga vachiri kutaura navanhu. Vakakanganisika zvikuru nokuti vapostori vakanga vachidzidzisa vanhu uye vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. Vakabata Petro naJohani, uye nokuda kwokuti aiva manheru, vakavaisa mujeri kusvikira zuva raitevera. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu. Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema. Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo. Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?” Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu

Pakurirana nevamwe
Mabasa 4 BDSC

Mabasa 4:1-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Vakati vachataura navanhu, vapristi nomukuru wetemberi navaSadhusi vakauya kwavari, vafa neshungu, nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. Vakavabata, vakavaisa mutorongo kusvikira mangwana; nokuti akanga ava madekwana. Asi vazhinji kuna vakanzwa shoko vakatenda; varume vakazosvika zviuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo. Zvino fume mangwana vabati vavo, navakuru, navanyori vakaungana paJerusaremu; naAnasi, mupristi mukuru, naKaifasi, naJohani, naArekizanda, nehama dzose dzomupristi mukuru, vakavaisa pakati pavo, vakavabvunzisisa, vachiti, “Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?” Zvino Petirosi, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati vavanhu

Pakurirana nevamwe
Mabasa 4 SNA2002

Mabasa 4:1-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Pavaitaura kuvanhu vapristi nomukuru mukuru wapaTemberi navaSadhusei vakauya pavari. Vakanga vatsamwiswa nokuti mukudzidzisa nokuparidza zvaJesu vaidzidzisa vanhu vachivaparidza zvokumuka kwavakafa. Vakavabata vakavaisa mujeri kusvikira mangwana acho nokuti akanga atova mauro. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda. Huwandu hwavarume hwaiita zviuru zvinenge zvishanu. Ava mangwana acho vatongi vavo navakuru vakuru navanyori vakanga vakaungana muJerusaremu naAnasi, mupristi mukuru naKaifasi naJohani naArekizanda navose vokumba yomupristi mukuru. Pavakavaisa pakati vakavabvunza kuti makaita izvi nesimba raani uye nezita raani. Zvino Pita, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vatongi vavanhu navakuru vakuru

Pakurirana nevamwe
Mabasa 4 SCLBD

Mabasa 4:1-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋakati ʋacataura naʋanhu, ʋaprista nomukuru wetembere naʋaSaduse ʋakaʋuya kwaʋari, ʋafa neshuŋgu, nokuti ʋakaŋga ʋacidzidzisa ʋanhu, ʋaciparidza kumuka kwaʋakafa munaJesu. Ʋakaʋaɓata, ʋakaʋaisa mutoroŋgo kuȿikira maŋgwana; nokuti akaŋga aʋa maɗekwana. Asi ʋazhinji kunaʋakanzwa shoko ʋakatenda; ʋarume ʋakazoȿika ɀuru ɀineŋge ɀishanu pakuʋereŋgwa kwaʋo. Ɀino fume maŋgwana ʋaɓati ʋaʋo, naʋakuru, naʋanyori ʋakaʋuŋgana paJerusarema; naAnasi, muprista mukuru, naKayafasi, naJohane, naAreksandro, nehama dzose dzomuprista mukuru, ʋakaʋaisa pakati paʋo, ʋakaʋabvunzisisa, ʋaciti: Makaɀiita iɀoɀi nesimba rei, kana nezita ripiko? Ɀino Petro, azere noMŋeya Mutȿene, akati kwaʋari: Imi ʋaɓati ʋaʋanhu

Pakurirana nevamwe
Mabasa 4 SUB1949

Mabasa 4:1-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mabasa 4 SCLB